Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti Mutemo Unofanira Kusimbaradzwa Kuti Usunge Vanoba Mari dzeHurumende Sezvo ZACC Isina Meno


Amai Mildred Chiri
Amai Mildred Chiri

Vakawanda vakapinda mumusangano wakaitwa padandemutande uchikokerwa nesangano reSouthern African Parliamentary Support Trust nhemusi weChina vakati zvakakosha kuti huori hunoburitswa nehofisi inoona nezvemafambisirwo emari dzehurumende kana kuti Auditor General huferefetwe kwete kungosiiwa sezviri kuitwa parizvino.

Musangano uyu wakapindwa nenhengo dzeparamende, vatori venhau neZimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC) uye wange uchiongorora zvakabuda mugwaro raAuditor General ra2019.

Vachitaura pamusangano uyu, Amai Eustinah Tarisayi vanoshanda nesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development vati vari kushushikana nekusatorwa kwematanho kune vanenge vaita zvehuori pakushandisa mari dzehurumende.

Amai Tarisayi vatiwo kugadzirisa dambudziko iri zvakakosha kusimbaradza mutemo wePublic Finance Management Act kuti upe zvirango kune avo vanoshandisa mari dzeveruzhinji nenzira dzisidzo

Amai Tarisayi vatiwo vanoona sekuti masangano ane donzvo rekugadzirisa matambudziko aya haasi kushanda zvinotarisirwa izvo zvoita kuti hofisi yaAuditotor General Amai Mildred Chiri igare ichibuditsa magwaro ane humbowo hweuori hunotyisa asi pasina anosungwa.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vaudza Studio 7 kuti vari kuita zvehuori vanofanira kutorerwa matanho akaomarara.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari VaBrian Dube vabvumawo kuti gwaro raAuditor General rakakosha zvikuru uye mitemo inofanirwa kuvandudzwa kuti kutorwe matanho nezvinenge zvabuda mugwaro iri.

Komishina we Zimbabwe Anti Corruption Commission Amai Thandiwe Mlobane vanga vari pamusangano wakokerw neSapst uyu vati vanga vasingakwanisi kutaura nezvekuti chii chaitwa nekomishini iyi mukuferefeta zvakabuda mugwaro iri vachiti ivo vari mukomiti inoona nezvingaitwa kudzivirira huori.

Studio 7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZACC VaJohn Makamure sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Hatina kukwanisawo kunzwa kubva kuhurumende sezvo tatadza kubata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi pamwe nevekubazi rezvekubuditswa kwemashoko.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG