Accessibility links

Breaking News

Kusapa Bazi rezveHutano Mari KweMakore Akawanda Kunonzi Kwopa Kuti Kurwisa Coronavirus Kunetse.


Gurukota rezvehutano VaObadiah Moyo
Gurukota rezvehutano VaObadiah Moyo

Vanhu vakawanda munyika vanoti kunyangwe hazvo Zimbabwe yasvitsa makore makumi mana yawana kuzvitonga kuzere, zvinhu munyaya dzezvehutano hazvina kumira zvakanaka zvaburitswa pachena nenyaya yechirwere checoronavirus.

Vanhu vakawanda vataura neStudio 7 kusanganisira nyanzvi munezvehutano vanoti Zimbabwe inofanirwa kusunga dzisimbe kugadzirisa matambudziko munyaya dzezvehutano.

Amai Pepukai Shava vanoti kunyangwe haazvo nyika yakakwanisa kuvaka zvipatara mushure mekuwana kuzvitonga kuzere, zvipatara izvi zvangove midhuri isisina zvinhu zvakakosha zvekushandisa.

Mutungamiri webato reLabour Economists African Democrats, Muzvare Linda Masarira, vanoti hurumende haisi kuita zvakakwana kusimudzira nyaya dzezvehutano munyika zvopa kuti kana kurwisa chirwere checoronavirus kunetsa nekuti zvipatara hazvina zvikwanisiro zvakaita semichina yekubatsira vanhu kufema kana varwarisa.

Vatiwo zvingabatsire kana nyika ikaisa mutemo unosungira kuti vatungamiriri vehurumende varapwe munyika vakati izvi zvinogona kubatsira kusimudzirwa kwezvipatara munyika.

Izvi zvatsigirwawo naVaKudzai Kwangwari avo vatiwo kunyangwe hazvo zviripowo zvakagonekwa nenyika mushure mekuwana kuzvitonga kuzere vati kune zvizhinjiwo zvichiri kuda kuzadzikiswa vakati izvi zvinosanganisirawo nyaya yehutano.

Munyori musangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Norman Matara, vanoti kunyangwe hazvo mumakore ekutanga Zimbabwe ichangosungunuka, hurumende yakamboedza kusimudzira zvinhu munyaya dzezvehutano kusanganisira kuvaka makirinika. Asi vanoti makore makumi maviri apfuura, Zimbabwe yatadza kuvandudza zvinhu munyaya yezvehutano kuburikidza nekusapiwa mari yakawanda kubazi rezvehutano.

VaMatara vati kunyangwe hazvo nyika dzemuAfrica dzakanyorerana pasi chibvumirano cheAbuja Declaration icho chinosungira hurumende kuti iise zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvemari yebhajeti yenyika kune zvehutano, Zimbabwe haina gore rayakambozadzikisa zvinotarisirwa izvi.

VaMatara vanotiwo kusaisa mari yakakwana kubazi rezvehutano zvinobudawo kunyangwe panguva ino nyika iri kurwisa chirwere cheCOVID-19 vachiti bazi rezvehutano rakatora nguva kuwana mari chirwere chapinda munyika izvo zvakaita kuti zvizhinji zvaidiwa kushandiswa zvibve kune masangano ekunze kwete kuhurumende.

Vanomirira Chinhoyi mudare reparamende vari nhengo yeMDC Doctor Peter Matarutse vanoti kunyangwe hazvo nyika yakakwanisa kudzivirira zvirwere zvakaita se Kwashiorkor, T.B nezvimwewo kuondomoka kwehupfumi munyika kwasiya zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehutano.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano Dr Obadiah Moyo kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vati hurumende iri kuyedza napose painogona kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehutano.

Nyaya yechirwere checoronavirus iri kuburitsa pachena kuti zvinhu munyanya dzezvehutano zvaderera uye zvipatara zvizhinji hazvina zvikwanisiro uye midhuri yacho yave kuondomoka.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG