Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti "Bosso" Ichasimudza Mukombe weChibuku Super Cup


Highlanders striker Kasimero Chimbadzwa shields the ball from Chicken Inn defender Divine Lunga.

Chikwata cheHighlanders ndicho chave kutarisirwa neveruzhinhi kutora mukombe weChibuku Super Cup wemwaka uno.

Pakatanga makundano aya, hapana aipa Bosso mukana wekutora mukombe uyu asi mushure mekukanda kunze Dynamos, ikozvino FC Platinum, vaongorori vemutambo wenhabvu vave nemamwe mafungiro.

Parizvino, zvikwata zvitatu, Ngezi Platinum Stars iyo yakabuditsa Black Rhinos 5-3 nemapenareti, ZPC Kariba iyo yakarova Manica Diamonds 2-1 muVhengere Stadium nezuro, neHighlanders iyo yakazvambura FC Platinum 3-0 nezuro zvekare, ndidzo dzave muma semi fainari emakundano aya.

Chimwe chikwata chichabatana navo chichabva pamutambo wepakati peTriangle neHarare City idzo dzichatamba zuva richaziviswa nevePremier Soccer League.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaKudzai Bere vanoti vachitarisa zvikwata zvasara varikuona Highlanders iyo ichatamba neZPC Kariba muma semi fainari iri iyo ichatora mukombe uyu.

Asi kune vamwe vakaita saVaColumbus Mushipe vanofunga ivo kuti Highlanders inokwanisa kumiswa neTriangle iyo inorairidzwa naTaurayi Mangwiro.

Triangle iri kukwidza muCaf Confederation Cup uyezve irikurwisa kuti ipedze iri pachinhanho chakanaka mumakwikwi eCastle Lager Premier Soccer League.

Asi mumwe muteveri wemaSugar Sugar Boys VaHopewell Gumbo vanoti vakanyoresa vatambi vanokwanisa kutora mukombe weChibuku Super Cup pamwe nekusvika kure muCaf Confederation League.

Nezuro, Triangle yaive iri kuMauritius mumutambo weCaf Confederation Cup uko yakarohwa 2-0 neFC Noadhibou mumutambo weCaf Confederation Cup.

Chikwata chinotora mukombe weChibuku ndicho chinomiririra nyika mumakwikwi eCaf Confederation Cup umomu.

Castle Premier Soccer League

Panguva imwechetyo, vePremier Soccer League varonga mitambo yeligi iyo ichange iriko pakati pesvondo kusanganisira mutambo mukuru muRufaro Stadium neChitatu pakati peHarare City neChicken Inn.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi….

Chitatu

Bulawayo Chiefs v Mushowani Stars

Chapungu v ZPC Kariba

FC Platinum v Ngezi Platinum Stars

Manica Diamonds v Dynamos

Caps United v Herentals

China

Highlanders v Yadah

Black Rhinos v TelOne

Triangle v Hwange

Mukupera kwesvondo kune mutambo mukuru pakati peDynamos neHighlanders muRufaro Stadium.

Rugby

Vatsigiri vemutambo weRugby muZimbabwe nemuAfrica vari kufara zvikuru nematambiro akaita South Africa nezuro apo yakarova Wales 19-16 ichibva yapinda mumafainari e2019 Rugby World Cup.

South Africa iri kutamba fainari nemusi weMugovera neEngland iyo yakarova New Zealand 19-7.

Vakawanda munyika vari kufara kuti Tendai Mtawarira akaberekerwa muZimbabwe achitambira hake South Africa anenge ari mumakwikwi aya achisimudzawo mureza wenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG