Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muNyika Votarisira Makwikwi eWorld Cup kuRussia


Vatsigiri vemutambo wenhabvu muZimbabwe vanonokerwa nekutanga kwemakundano e 2018 World Cup ayo achaunganidza zvikwata zvine mukurumbira mumutambo uyu pasi rese.

Kunyange hazvo chikwata chavo chisiri kuenda kuWorld Cup vateveri venhabvu munyika vanonokerwa nekutanga kwemabiko emakundano enhabvu epasi rese aya, ayo ari kupfungaidza utsi muRussia musi wa 14 Chikumi.

Zimbabwe yakadzingwa mumakundano aya mushure mekunge veZifa vatadza kubhadhara, nemazuva aive atarwa neveFifa, murairidzi wekuBrazil, Valinhos, mari yake yemuhoro yemazuva ayo akamborairidza chikwata chenyika chemaWarriors.

Asi izvi havina kubvisa manyuku manyuku eWorld Cup muZimbabwe vateveri vemutambo uyu vachiti ivo makundano aya atovanonokera kutanga.

Vakawanda kusanganisirira muoongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanoti kunyange dai Zimbabwe yakakwikwidza mumakwikwi aya hapana kwayaienda sezvo maWarriors aive aisina mongo wekurova zvikwata zvakabudirira kunomiririra Africa.

Zvikwata zvichange zvichisimudzira zita reAfrica kumakwikwi aya iEgypt, Morocco, Nigeria, Senegal, ne Tunisia.

Mohamed Salah
Mohamed Salah

Vamwewo vakaita saVaOliver Musegede ndivo vanonokerwa neWorld Cup nekuti vaoreswa moyo nenhabvu yemuno yeCastle Lager Premier Soccer League iyo vanoti haichanidza nemhaka yekushaikwa kwevatambi vane tarenda.

Vateveri venhabvu ava vanoti nguva yeWorld Cup ichavapawo mukana wekupedza gakava rekuti ari pamberi ndiani Christian Ronaldo kana Lionel Messi avo vanga vachitora mikombe kuzvikwata zvavanotambira kuSpain cheReal Madrid neBarcelona.

Muteveri weDynamos, VaByron Munyuki, vanoti World Cup ndiyo icharatidza kuti ari pamberi ndiani Christiano Ronald wePortugal kana Messi weArgentina.

Chikwata che Germany ndicho chine mukombe uyu mushure mekurova Argentina mufainari yemakundano akapedzisira kuitwa kuBrazil muna 2014.

Asi tichitarisa matambiro anga achiita zvikwata munzira yekuenda kuRussia, zviri kuratidza kuti hazvisi kuzove nyore kuti Germany idzivirire mukombe wayo.

Neymar
Neymar

Brazil ndiyo iri kunzi nevazhinji ndiyo ingangotora mukombe uyu nematambiro ayaiita munzira yekuenda kuRussia.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG