Accessibility links

Breaking News

Vakawanda kuManicaland Vanoti 2019 Raive Gore reMarwadzo


Cyclone Idai
Cyclone Idai

Vanhu vakawanda mudunhu reManicaland iro rakawirwa nedambudziko redutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti cyclone Idai vanoti gore ra2019 rainge rakavaomera zvikuru.

Amai Agnes Pondo, avo vanogara kuArda Transau kwaOdzi vachiita basa rekutengesa huni muguta reMutare vanoti gore rapera raingve remarwadzo oga oga, uye hapana chitsva chakanaka chavanotarisira mugore ra2020, “Gore rino rose hapana chakamboti rerukira kana izvezvi tiri kubhadhara mari dzefees dzinoita $50, inobvepi, saka hapana chatinoona chichabuda apa.” Vanoenderera mberi vachiti, “Tarisa uone ini zera rangu kutakura huni kuzotengesa zvinoitawo here izvozvo, vana 7 ndinovasimudzawo here?”

Amai Lucy Nyika vekwaOdzi kwakare vanoti vakatarisana nenhamo nematambudziko akawanda mugore rino ropera pasina zvakare chiedza mberi cheramangwana rakanaka; kunze kwekuti vawanirwa mabasa emaoko ekuita nehurumende, “Zvatiri mazviri izvi kushupika chete nekuti tine vana vanoda maschool fees vanoda kudya, hatina kana chekubata saka kana tikanzi tiregere kutengesa huni sezviri kuitwa izvi tinenge tava kuapplya kuita chipfambi saka zvingaitawo here? “

VaElisha Musabayana vanoita basa rekuenda kunze kwenyika vachitenga nekuzotengesa zvinhu zvakasiyana siyana. VaMusabayana vanochemawo nenyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu munyika.

Vanoti, “2019 range riri gore rakaomera munhu wese riine matambudziko ekukwira kwezvinhu, tsaona mumigwagwa, mafees kukwira futi, saka tiri kuti dai mapato eZanu PF neMDC Alliance vabatana kwete tumwe tumapato turipo zvikadaro ndinoona kunge economy yedu ingaite zviri nane.”

VaShame Togara vanoita basa rekugera bvudzi maMutare. VaTogara vanoti igaroziva kumunhu wose kuti zvinhu zvange zvisina kumira zvakanaka panyaya dzvehupfumi,

Muzvare Virginia Sibanda ndemumwe mugari wemaMutare vachiita basa rekusona nekutengesa mbatya kunyanya mayunifomu emhando yose. Muzvare Sibanda vanoti zvakavaomera zvekuti vava nepfungwa yekuvhara bhizinesi ravo sezvo risina chiedza mberi kwaro, “Gore ra2019 igore range rakaoma rairwadza zvisingaiti! Saka ra2020 tiri kutoona kuti richange riri-worse zvinhu zviri kungokwira semachira atinoshandisa mukusona mayunifomu.”

VaBatu Ngirande mugari wemaMutare vanoti vana venguva ino vakaberekerwa nhamo sezvo vabereki vavo vasina chekubata uye pasina tariro yeramangwana.

VaChengetai Chamisa avo vanoita basa rekutengesa zvinwiwa vanotiwo nhamo yegore ra2019 yawedzerwa nemvura isiri kunaya zvakaringana mudzimwe nzvimbo munyika.

Amai Anesu Musabayana avo vanotengesa zvirimwa, vanoti gore rino hapana change chakavanakira sezvo zvekutengesa zvavo zvaipera kuwora nekushaya vanotenga, sezvo vashoma varivo chete vane mari, ukuwo imwe mari yesirivha yave kurambwa kugamuchirwa nevakawanda.

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF kuManicaland VaKenneth Saruchera vanoti vanhu ngavasamhanyire kushora hurumende vachiti gore rapera rainge riri rekuronga hwaro hwekuvaka nyika muna 2020.

Imwe nhengo yeZanu PF, VaTrevor Nhachi, vanove mudzidzi paMutare Polytechnic, vanoti kunyange hazvo gore ra2019 range rakaomara, hurumende yebato ravo yakayedza nepainogona napo kuvandudza hupfumi nemagariro evanhu kubudikidza nezvirongwa zvakasiyana siyana, zvinosanganisira kuwanira vanhu pekugara pakanaka.

VaNhachi vanoti kwaMutare kwakaparurwa hurongwa hwekuvandudza maguta kana kuti Urban Renewal, uhwo huchapa kuti vagari, kunyanya vemumusha mukuru weSakubva uwandudzwe.

Meya weguta reMutare VaBlessing Tandi vanova nhengo yeMDC vachitaura neStudio 7 parunhare vati vanotarisira kuti hurumende ichazadzikisa zviri mubumbiro remitemo renyika zvekudzosera masimba kumatunhu kana kuti “devolution” zvingabatsira kufambiswa zvakanaka kwemaguta nematunhu. Vanoti matambudziko ekushayikwa kwemvura kudzimwe nzvimbo muguta reMutare achange apera mukutanga kwemwedzi mina yegore rino.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:10:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG