Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vonangana neMabhanga eKunze


Gurukota rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vari kutarisirwa kusangana neChipiri nehutungamiri hwemabhanga munyika, kuitira kuti vaziviswe mamiriro akaita zvinhu musangano iri vasati vatanga chirongwa chavo chekuendeswa kweupfumi kuvatema mumabhanga.

Musangano uyu wanga wakatarisirwa kuitwa neMuvhuro, asi hauna kuzobudirira.

VaKasukuwere vanoti chinangwa chemusangano uyu ndeche kuchipedzisa hwaro nehurongwa hwekuti makambani aya achive evatema kuitira kuti ashande zviri pamutemo muZimbabwe.

Asi nyanzvi mune zveupfumi, uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaPropser Chitambara, vanoti havawirirane nehurongwa hwaVaKasukuwere, sezvo zvimwe zvikamu zveboka remabhanga zvatove mumaoko evatema nechekare.

Munyika mune mabhanga ekunze anoti Barclays, Stanbic, Standard Chartered neMBCA Bank.

Asi Barclays yakatobuda pachena ichiti yakatopa kare zvikamu zvayo kuvatema.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti chirongwa chekuendesa hupfumi hwemumabhanga kuvatema chinofanirwa kubatwa nenzira kwayo nekuti mabhanga ndiwo musimboti hwehupfumi hwenyika.

XS
SM
MD
LG