Accessibility links

Breaking News

Kusawiririrana Koramba Kuripo paMutemo weHupfumi kuVatema


Gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vanoti makambani akawanda ari kuunza hurongwa hwawo hwekuendesa hupfumi kuvatema kunyange hazvo mudare remakurukota musina kuwirirana kuti hurongwa uhu hofambiswa sei.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi neChipiri vapa zvakare kurudziro yekuti mirawo yemitemo uyu imbomiswa.

Asi veZanu-PF vachitsigirwa naVaKasukuwere, vanonzi vari kuramba vachiita zano ndega nekuomesa musoro. Nyaya yekusanyatsowirirana iyi, ndiyo iri kupa kuti VaKasukuwere varambe vachiita madiro ajojina.

Mamwe magweta anoti mutemo uyu unopa VaKasukuwere masimba akawandisa zvekuti zvataurwa nedare kana naVaTsvangirai zvinenge zviri kwavari kuti vazvitambire.

Makambani aendesa magwaro anosanganisira Uniliver, British American Tobacco, neImpala.

Asi vamwe vemabhangi vanonzi vari kutsika madziro vachiti zvinhu zvitange zvagadziriswa.

VaJohn Mufukari ndivo Chief Executive weEMCOZ. VaMufukari vanoti vanovimba kuti VaKasukuwere vachatambirawo kurudziro yavari kupa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati hapana kudzokera shure pamutemo wekuendesa hupfumi kuvatema, kunyange hazvo vakabvuma kuti pane mimwe mirawu inofanirwa kugadziriswa.

XS
SM
MD
LG