Accessibility links

Breaking News

Vakarohwa neMauto neMapurisa Votadza Kurapwa neZvikonzero Zvakasiyana Siyana


Vamwe vevanhu vakarohwa nekushungurudzwa nemapurisa pamwe nemasoja vanoti havasati vanyatsowana kurapwa kwakakwana. Asi vatauriri vemauto nemapurisa vanoti vanhu vari kurova vanhu mauto ari kutsuadzira gwara uye vanofanira kusungiswa.

Vakawanda vevanhu vakarohwa ava vanga vasina kusununguka kutaura nezvetsekwende yakavawira asi vanoti vakazvifunga muviri yavo inomerera nekutya. Asi vamwe vaudza Studio 7 kuti hapana kusiri kufa nekudaro vanoda kuti ruzhinji rwuzive nhamo yavakaona.

Mumwe wevakarohwa nemasoja akatyoka ruoko ndiVaAmos Mapfumo vanogara mumusha unogara veruzhinji weWhite City.

VaMapfumo vanoti nhanhasi havasati vawana ruyamuro ruzere sezvo vasina mari yekuti vaiswe purasita kuti ruoko rwavo rupore.

Mumwe akakuvara apo akabaiwa nepfuti pagumbo ndiVaBenard Mutero avo vanoti havasati vawana ruyamuro rwekurapwa.

VaMutero vanoti vakatozonunurwa nemudzimai wavo uyo akamisidzana nemasoja awona kuti vainge vovaita kafiramberi.

Vamwe vakarohwa vaudza Studio 7 kuti havana mari yekunorapwa vamwe vachiti kuchipatara vanobvunzwa tsamba yekumapurisa vasati varapwa vachiti vari kutya kunotora tsamba idzi nekuti vanogona kusungwa voshungurudzwa zvekare.

Chiremba uye vari mumiriri weChinhoyi muparamende Dr Peter Matarutse vanoti vanhu vakarohwa vanoda kurapwa maronda epanyama nemaronda epamweya sezvo vakashungurudzwa mweya yavo zvakare. VaMatarutse vanoti kunyange vanhu vakaona zvichiitika vanofanirwa kudzikamiswa (counselling).

Dr Matarutse vanoti zvipatara hazvifanirwe kuda tsamba yekumapurisa vachiti vanofanirwa kurapa munhu vozoti munhu aende kumapurisa nenyaya yake.

VaMatarutse avo vakayamura vanhu vakawanda masvondo maviri apera vanoti vanhu havafanirwe kutya kuenda kunorapwa, vachiti vanacheremba vakawanda vanoyamura vanhu vanenge vawirwa nedambudziko serakawirwa nevakawanda munguva yekuramwa mabasa.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti vanhu gumi nevaviri vakaurayiwa nemauto nemapurisa mukuratidzira uku uye zviuru nezviuru zvevanhu zvakakuvara. Vamwe vanodarika chiuru chimwe chete vari muhusungwa vamwe vakakuvara asi vachiti havasi kuendeswa kuzvipatara.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG