Accessibility links

Breaking News

Vakaremera Vokurudzira Kusashandiswa kweMazwi Anovanyomba


Vanhu vanorarama nehurema vanoti vanoshushikana zvikuru nemazwi pamwe nemutauriro evanhu anovanyomba. Vanhu ava vanoti veruzhinji havafanirwe kunge vachiita zvinhu zvinozvidza vanorarama nehurema.


Mururimi rwaamai, mune mazwi kana zvirevo zvagara zvichishandiswa kubva manyakare zvinony’omba kana kudzikisira pasi vanorarama nehurema. Mazwi aya anenge akanangana nekutsanangudza chimiro kana zviito zvemunhu akadai, asi zvikanyatsoongororwa, zvinooneka kuti zvinenge zvichitotuka kana kutsvinyira vanhu vanorarama nehurema.

Vakaremara ava vanogona kunge vasingagone kutaura kana kunzwa, vasingaone kana vakaremara mupfungwa.


Muzvare Runyararo Matsika vakadimurwa ruoko rweruboshwe mutsaona yemoto vachiri mudiki, uye vanofamba vachigamhina nekuti gumbo ravo rekudivi iri, rakaremara. Muzvare Matsika, avo vanogara ku Waterfalls, vanoti veruzhinji vanofanira kutanga vafunga vasati vataura, kuitira kuti vasadzikisire vakaremara.


Muzvare Matsika vanoti panofanira kuve nedzidziso yakakura, kunyanya muzvikoro nepamisangano kumaruwa yekuyeuchidza vanhu kuti vasatsanangudze munhu nehurema hwake, nekuti hurema hunogona kungowira chero kuna ani zvake.


VaClemence Fuma, vanogara ku Southerton, uye vakaremara makumbo ese, asi vachikwanisa kuzvifambira kana kuita mamwewo mabasa akasiyana siyana. VaFuma, avo vane makore makumi mana nerimwe ekuberekwa, vari kuita zvidzidzo zvekuongorora pfungwa nezviito zvevanhu ne University of Zimbabwe.


Va Alexander Rusero, avo vanodzidzisa vatori venhau mu Harare, vaine zvekare hanzvadzi yavo inorarama nehurema, vanotiwo veruzhinji vanofanira kudzidziswa kushandisa mutauro usingaparadze.

XS
SM
MD
LG