Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vokurudzirwa Kunyora Mabhuku


Vakaremara vari kukurudzirwa kuti vanyore mabhuku pamusoro pezvavanosangana nazvo vasingamirire zvinyorwa zvionoitwa nevanhu vasinganyatsonzwisise zvishuvo zvavo.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Differently-Abled Cricket, VaLewis Garaba, vanoti zvinyorwa zviri pamusoro pevakaremara zvishoma zvikuru.

VaGaraba vanoti zvakakosha kuti vakaremara vanyore pamusoro pezvinhu zvinoituka muhupenyu, kuitira kutri veruzhinji vavanzwisise.

Dai takoshesa kunyora nhoroondo yedu nekuti kunyora mabhuku mukana wekuti vanhu vave nemuonero matsva kuburikidza nevakaremara. Izvi zvinotsigirwa nemunyori wemabhuku evechidiki wekuKaroi, David Murambwi, avo vane cerebral palsy. Murambwi anoti vakawanda vakaremara vanofanira kushandisa zvipo zvavo zvekunyora.

Kunyora mabhuku hakunei nekuenda kuchikoro, zvinongoda ruzivo rwako. Kana une chipo chacho ingotanga kunyora, zvinoita zvega.

Imwe nhengo yeTracy Nyakupinda Albino Fondation, VaShingirirai Nyakupinda, vanoti kusanyora nhoroondo dzavo kunoita kuti vakaremara vasawane vanovanzwisisa.

Vanopa semuenzaniso nyaya yakaitika kuGokwe mugore ra1990 apo vana vasope vakatorerwa munda wavakange vasiyirwa nevabereki vavo. Asi izvi zvakazogadziriswa nedare.

Paiva nevamwe vanhu vakaita ruchiva nemunda iwoyo zvikanzi hamukwanise kurima nekuti zuva rinokukanganisai vachibva vatorerwa. Dare ndiro rakazozvigadzirisa.

Vanhu havana kunzwisisa kuti zuva harikanganisi vane albinism pamashandiro avo.

Vanomiririra vakaremara muparamende, Seneta Rejoice Timire, vanoti vachashanda zvakasimba kuti pave nezvirongwa zvekususukidza vakaremara kuti vanyore mabhuku anotaura pamusoro peshuviro dzavo pamwe nematambudziko avanosangana nawo muhupenyu.

Kuti vanhu vanzwe kana tichirwisa hondo yekodzero dzedu vakaremara vanozvinzwisisa zvakanyanya kana munhu achizviverenga. Saka ndinoda kuti kune mhuri yekwangu ngatibudei nezvinyorwa.

Sachigaro veZimbabwe International Book Fair, VaMemory Chirere, vanoti vakaremara vanofanirwa kuburitsa zvinyorwa zvavo zvinoita kuti pasi rese rivanzwisise.

Vanhu vanonyatsotsanangura mhando yehupenyu zvinonyatsonzwisisika ndivo avo vanorarama hupenyu hwacho vanenge vachitsanangura.

Sachigaro veZimbabwe Media Commission, Muzvinafundo Rubby Magosvongwe, vanoti vakaremara vane shungu dzekurodza manyorero avo vanokwanisa kuwana rubatsiro kubva kuUniversity of Zimbabwe.

Bazi remitauro paUniversity of Zimbabwe rine chirongwa chiri maererano nevakaremara. Saka ivo vakaremara vanokwanisa kunge vachikokwawo ikoko.

Nyanzvi munyaya dzekunyorwa kwemabhuku dzinoti zvinyorwa zvakakosha sezvo zvichipa veruzhinji mukana wekunzwisisa zvinoitika muhupenyu hwevanhu vakasiyana siyana.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG