Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vanoti Hurumende Ngaishanda neMakambani Kuti Ivabatsire neZvikwanisiro


Vamwe vakaremara vari kukurudzira hurumende kuti ishande pamwechete nemakambani nemasangano akazvimirira mukutsvaga nzira yekuti vawane zvekushandisa zvinoita kuti hupenyu hwavo hureruke.

Pastor Thomas Muchadenyika, avo vanogara kuNew Marimba muHarare vakaremara makumbo ese uye vanoshandisa madondoro vanoti kushayikwa kwezvikwanisiro kuri kuita kuti vakaremara vakawanda mumadhorobha nekumaruwa vatadze kushanda mabasa avo akasiyana siyana nekuendawo kuzvikoro. “Pane zvekushandisa zvevakaremara hazvisi kutowanikwa munyika muno.”

Vanoenderera mberi vachiti, “Hongu hurumende yakanga yati yabvisa mutero kana kuti duty pane zvinoshandiswa nevakaremara zvakaita semadondoro, ma wheel chair nezvinoshandiswa nematsi kana mahearing aids, asi kuti munhu aende kunze kwenyika kunozvitenga mari yacho anenge asina, nekuti haasi kunopihwa mahara.”

Mukuru weZimbabwe Albino Association Mai Mercy Maunganidze Chimanga vanoti nyaya yekushayikwa kwezvekushandisa zvevakaremara yave nenguva yakareba isingagadziriswe, “Nyaya yema assistive technologies yakakoshera vanhu vakaremara muhupenyu hwavo,”vanodaro Amai Chimanga.

Vanotiwo, “Kubva tichitanga organisation muna 1996 tanga tichichema nehurumende yeZimbabwe kuti dai ma sunscreen lotion aiswa pa essential drugs list sezvo anoshandiswa zuva nezuva. Taitaura takatarisa vanhu vari HIV positive vanotora ma ARVs. Ma assistive devices aya anodhura uye vazhinji vedu havakwanise kuatenga. Uye zvikashayikwa zvinokoresa disability yemunhu.”

Mai Chimanga vanoti hurumende inofanira kupa rutsigiro kumakambani kuti zvikwanisiro zvevakaremara zvigadzirwe muZimbabwe. “Iye zvino mukazvitarisa vanhu vane mental health vane mapiritsi avo anoda kutorwa pamwedzi pega pega, ve epilepsy vanoda mishonga yavo zvekare asi havasi kuzokwanisa kuzviita.”

Vaenderera mberi vachiti mamwe matanho ari kutorwa nehurumende akanangana nekurerutsira vakaremara haasi kushanda.

VaShingirai Nyakupinda vekuSunningdale muHarare vanova nhengo yeTracy Nyakupinda Albino Foundation vanoti zvikoro zvepamusoro zvinofanira kunge zvichiita ongororo netsvagurudzo pamusoro pezvikwanisiro zvevakaremara. “Hakuna chati chaitwa in terms of research pane zvinhu zvinobatsira vanhu, tichizvigadzirira tega tisingamirire kupihwa nema donors,” vanodaro VaNyakupinda.

Vanoenderera mberi vachitiwo, Mahigher educational institutions edu pane ma projects avanoita vanokwanisa kugadzira zvakawanda. Tikatarisa ma hearing aids kana ma white cane, zvinhu zvinokwanisa kugadzirwa muno pasina zvekuzombomira pa waiting list. Saka tanga tichitarisira kuti kupera kwegore rino kana kutanga kwerinouya zvinhu zvichashanduka mu Zimbabwe tikwanise kuve ne progress paku addressa zvinhu zvakadai.”

VaNyakupinda vanoti masangano evakaremara ndiwo anofanira kutaurirana nezvikoro zvepamusoro kuti vabatsirane nehurumende kugadzira zvinoshandiswa nevakaremara.

VaEvans Tarwirei Chigariro vanodzidzisa mechanical engineering paHarare Polytechnic vanoti vakaremara ndivo vanofanira kutungamirira hurongwa hwekugadzirwa kwezvikwanisiro zvavo muno, asi chekutanga vanofanira kupihwa mukana wekuzviita.

VaChigariro vanoti chinhu chinobatsira vakaremara chinofanira kugadzirwa naivo varidzi nekuti ndivo vanoziva zvavanoda. “Asingagone kutaura asi achiona anodzidziswa language yacho iyoyo, zvinoita, asingaone anodzidziswa, asinganzwe anotichwa, “ vanodaro VaChigariro.

Vatiwo, “ Tiri mubishi rekunyora mapepa ekuti pamwe President akazviona anozvipasisa zvopindawo muma colleges edu. Zvototanga kushanda mugore ratiri kupinda ra2020. Research yatiri kutaura iyi haiitwi nemunhu ari able-bodied nekuti haana disability maari. Zvinoda kuti tidzidzise ari disabled wacho iyeye topedzisira tave nema leaders anoziva zve disability.”

Sangano World Health Organisation rinoti munhu mumwechete pagumi rega rega revanhu vakaremara ari kurarama asina zvikwanisiro nekuda kwekudhura kwazvo pamwe nekutadza kunzwisisa nyaya dzevakaremara nevatungamiri venyika dzose zvadzo.

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG