Accessibility links

Breaking News

Vakaoma Musoro muZanu-PF Voramba Nhaurirano


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Zanu PF iri kuita musangano weExtraordinary Central Committee neChishanu chino uyo uri kutarisirwa kuzeya nyaya dzenhaurirano dziri kukurudzirwa neANC yekuSouth Africa, asi dziri kuramba kutambirwa nevamwe vakaoma musoro mubato iri.

Kunyangwe svondo rapera mapato aya akataura nevatori venhau kuti ainge atenderana kuti chikwata cheANC chidzoke kuzoitawo hurukuro nevanopikisa mushure mekuita nhaurirano neZanu-PF, vamwe mubato iri vanoti hapana kuitwa chisungo chakadai pamusangano uyu.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti nematambudziko akatarisana nenyika dzakawanda pasi rose nekuda kwechirwere cheCovid-19, zvinonetsa kuti dzimwe nyika dziite chidokwadokwa chekugadzirisa zvinhu munyika.

Izvi zvinonzi zvichasiya Zimbabwe yakangorembera vanhu vachinonga svosve nemuromo. Zvinhu muZimbabwe zvakaita manyama amire nerongo.

Kunyangwe hazvo vakawanda vari kutarisira kuwana chouviri kubva mukurima, mbeu iri kudhura zvakanyanya, kuzvipatara hakuna mishonga kana michina yekurapa zvirwere zvakaita segomarara uye mamwe makirinika ari kuvharwa.

Asi bato reZanu-PF riri kutsika madziro richiti munyika hamuna matambudziko.

Vaimbova mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Assembly for Restoration and Empowerment kana kuti DARE, VaGilbert Dzikiti, avo vave nhengo yeZanu-PF vanoti kana bato rinopikisa reMDC Alliance richida nhaurirano, rinofanira kubatana nevamwe mugungano rePOLAD.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDAC Alliance, VaClifford Hlatywayo vanoti POLAD imbwa isina meno chinotodiwa munyika inhaurirano dzinotungamirwa namutongi gava asina divi raakarerekera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG