Accessibility links

Breaking News

Vaive Vashandi veKanzuru yeHarare Voratidzira neKushaya Mari dzeMudyandigere


VaMichael Chideme
VaMichael Chideme

Vaimbova vashandi vekanzuru yeHarare avo vave pamudyandigere varatidzira paTown House nhasi vachiti havasi kufara nekusatambiriswa mari dzemudyandigere kwemakore akawanda.

Izvi zviri kuuyawo apo pane mashoko ekuti makambani akawanda kusanganisa ehurumende ari kutora mari yevashandi asi vasingaindese kuNational Social SecurityAauthority kana kuti NSSA kana kuLocal Authority Pensions Fund.

Vaimbova vashandi vekanzuru ava vati vacharatidzira kwemazuva maviri vachitsutsumwa nenyaya nenyaya yekunyimwa mari dzavo sezvo vari kuudzwa neLocal Authority Pensions Fund kuti kanzuru haisi kuendesa mari yairi kubatira vashandi kwairi.

Vamwe vari kutungamira varikuratidzira ava VaReuben Marime vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka sezvo vasiri kukwanisa kurarama nemhuri dzavo.

VaJosphat Malianga vanoti vakashandira kanzuru kwemakore makumi matatu vanoti vafamba kubva kumusha weHopley netsoka uye vanoti mhuri yavo iri kudya nhoko dzezvironda.

VaPhineas Chipane Muradzikwa vakamiswa basa muna2014 vaudza Studio 7 kuti vanotoshaya mari yekutenga mapiritsi eB.P epamwedzi. VaMuradzikwa vanotiwo vazukuru vavo vatanhatu vavanochengeta nevana vaviri havachatoendi kuchikoro sezvo vasina chekubata.

VaErasmus Moyo vanoti pahurukuro dzavakamboita nekanzuru vakavimbiswa kupiwa nzvimbo dzekuvakira nzvimbo dzekuvakira dzimba asi vakati ivo vanoda mari dzavo.

Mutauriri wekanzuru VaMichael Chideme vanakurira nyoka mhenyu kuLAPF vachiti vaimbove vashandi vekanzuru ava vanofanirwa kuenda kuLocal Authority Pensions Fund kwavanoti kanzuru yakaendesa mari.

Kunyangwe hazvo Studio 7 isina kukwanisa kutaura neLAPF, mutauriri weInsurance and Pensions Commission VaLloyd Gumbo vati makanzuru mazhinji haasi kubhadhara mari dzemudyandigere dzavanobatira vashandi. VaGumbo vati makanzuru ane chikwereti chinosvika mamiriyoni mazana maviri kuLAPF.

Vatiwo makambani mazhinji, munyika arikubatira vashandi mari asi vasingaendesi mari yacho izvo zvinozoita kuti vashandi pavanoenda kumudyandigere vasawana mari.

Zvichakadaro, Insurance Pension’s Commission kana kuti IPEC inotiwo kune makambani akawanda kusanganisa ehurumende vari kutora mari dzevashandi vachiti ndedzemudyandigere asi vasiri kudziendesa kuNSSA.

Mari iyi inonzi yasvika pamamiriyoni mazana matanhatu nemakumi matatu nemashanu kana kuti RTGS 635 million. Gweta uye vari nyanzvi munyaya dzemitemo yevashandi VaRogers Matsikidze vati zviri kuitwa nevemakambani nemakanzuru imhosva pamutemo

Vachitaurawo neStudio 7, gurukota rezvevashandi Doctor Sekai Nzenza vaudza Studio 7 kuti vari kunetsekana nemari yemudyandigere iri kupihwa vashandi nekudaro vakanyorera gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kuti vaonewo kuti pane mari yavangawedzera here vari pamudyandigere ava.

Vari pamudyandigere vakawanda vari kunonga svosve nemuromo zvichikonzerwawo nenyaya yekuti mitengo yezvinhu iri kuramba ichiwedzerwa uko mari dzavo dzichishaya simba vamwe vasiri kutombotambiriswa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG