Accessibility links

Breaking News

VaLovemore Matombo Votarisirwa Kuvigwa kuNyanga


vashandi kumusangano weZCTU

Vakambova mutungamiri wesangano guru revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaLovemore Matombo, avo vakashaya muHarare neMuvhuro mushure mekurwara kwenguva yakareba vari kutarisira kunoradzikwa kumusha kwavo kuNyanga neChitatu.

VaMatombo vakatora chigaro chekutungamira ZCTU kubva kuna VaGibson Sibanda avo vainge vasiya chigaro vachinoita mutevezeri wemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC.

Aive munyori mukuru muZCTU panguva yaVaMatombo, VaWellington Chibebe, vave kushanda kuInternational Labour Organization.

VaMatombo vakamboshanda kuZimpost uko vachitungamira sangano revashandi reCommunication and Allied Services Workers Union of Zimbabwe.

Muna 2011 VaMatombo avo vainge vasina kufara nesarudzo dzemuZCTU vakamboumba rimwe sangano ravo revashandi reConfederation of Zimbabwe Trade Unions.

VaMatombo vakambosungwa kakawanda nekushungurudzwa nenyaya dzekurwira kodzero dzevashandi.

Vasiya vana vaviri musikana nemukomana.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vashandi varasikirwa negamba.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG