Accessibility links

Breaking News

Vaimbi Vane Chitsama Vanoshaya muGore ra2011


Gore ra2011, igore rava kupera rakarema zvikuru munyaya dzemimhanzi, sezvo nyika yakarasikirwa nevaimbi vaive nemukurumbira vakawanda.

Nezuro uno, nyika yakarasikirwa naTendai “Prince” Mupfurutsa, uyo aiimba zvine mukurumbira, uye kutsikisa mhanzi dzevamwe vaimbi.

Kushaya kwaTendai kunouya apo nyika ichine misodzi pamatama zvichitevera kushaya kwaTongai “Dewa” Moyo weUtakataka Express, uyo akashaya muna Gumiguru.

Vamwe vaimbi vakashayawo gore rino vanoti Clement Chinyama wechikwata cheCool Nights, Adam Chisvo, uyo airova mbira zvainwisa mvura, Kumulani Chaka weGakamoto Jumbo Stars, Cephas “Moto Muzhinji” Mashakada, uyo aitungamira chikwata cheMuddy Face, pamwe naKhumbulani Gibson Magaya wechikwata cheVabati VaJehovha.

Vamwe vakashaya vanoti Takunda Mafika, mushamarari aive nemukurumbira Hilton Mambo pamwe napromoter wezvemimhanzi, James “Jimmy Jimalo” Chiyangwa.

Vazhinji vevaimbi ava vanonzi vakashaya vasina cheuviri chavakasiira mhuri dzavo, nekuda kwekutengeswa kwemhanzi dzavo pamisika mitema nemakoronyera, inove hondo huru iri kuedza kurwiswa nevaimbi pamwe nemamwe masangano.

Asi vamwe vanoogorora zvemhanzi vanoti vamwe vevaimbi ava Havana han’a neramangwana ravo kana vachinge vabata mari, izvo zvinozoita kite vaite sekunge vakashandira mahara kana vachinge vazoshaya.

Muzvare Polisile Ncube, vanowe mukuru wesangano reZimbabwe Musicians Rights Association, iro riri kubatsira kudzivirira kodzero dzevaimbi, vati sangano ravo riri kurwadziwa zvikuru kuti vaimbi vari kushaya vasina chavainacho.

Vati vacharamba vachirwisa kuti vaimbi vawane cheuviri kubva mudikita ravo kuburikidza nedzidziso dzakasiyanasiyana.

Muimbi ane mukurumbira uye achitsikisa mimhanzi ari kuBotswana, Tawanda Benson atiwo sevaimbi, vanofanirwa kuzvirwirawo, kwete kumirira mamwe masangano.

XS
SM
MD
LG