Accessibility links

Breaking News

IMF Yokurudzira Kuvandudzwa kweBhanga Guru reNyika


Asi masimba aVaGono anotarisirwawo kudzikisirwa nemutemo wekuvandudza RBZ kana VaMugabe vangoisa runyoro rwavo pamutemo uyu.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, vave parumananzombe zvichitevera gwaro rakaburitswa neInternational Monetary Fund, iro riri kukurudzira kuti mashandiro ebhanga guru renyika, avandudzwe. Izvi zvakabuda muongororo yeIMF pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi muZimbabwe.

IMF inoti pave kudiwa kuti paumbwe bhodhi rebhanga iri kuitira kuti rione mafambiro ebhanga guru renyika. IMF inoti vanhu vakawanda vanofanirawo kuenda pamudyandigere kuReserve Bank of Zimbabwe.

Gwaro reIMF rinouya apo vanhu vakawanda muZanu-PF vasiri kufara nemashoko aVaGono svondo rapera, ekuti hurongwa hwekupa hupfumi kuvatema, ndehwekuda kupa vane simba munyaya dzezve matongerwo enyika makambani.

Imwe nhengo yeZanu-PF isina kuda kudomwa nezita inotiwo VaGono vanofanira kusiya basa nemashoko avo aya. Nhengo iyi inoti VaGono ndivo vakakonzera kuti hupfumi hwenyika huende kumawere. Asi VaGono vakaudza mapepanhau kuti vaiudzwa zvekuita nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Nyaya yaVaGono imwe iri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, MDC ichiti vakagadzwa zvisina kutaurirana sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvemari, VaTendai Biti, kuti vanoti kudii nemashoko eIMF.

Asi gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, vanoti ichokwadi kuti bhanga guru renyika rinofanirwa kuvandudzwa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari Chief Executive Officer vekambani ye Peakford Management Consultancy, VaAlbert Mandizvidza, vanoti RBZ inofanira kuvandudzwa.

XS
SM
MD
LG