Accessibility links

Breaking News

VaSibanda Vanoshaya Bato Ravo Richiti Vaitwe Gamba reNyika


Misodzi iri pamatama penyika yose zvichitevera kushaya kwaVaGibson Sibanda, avo vakava mutevedzeri wemutungamiri weMDC wekutanga pakaumbwa bato iri muna 1999.

VaSibanda vanga vari mutevedzeri weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, mushure mekupatsanuka kwebato iri muna 2005.

Vashaya vari chipangamazano mubazi rekupodzwa kwemaronda nekuregererana. VaSibanda vanonzi vakashaya neMuvhuro manheru kuMater Dei Hospital nechirwere chegomarara.

Bato ravo rabva ranyora tsamba kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, richida kuti hurumende ipe VaSibanda ruremekedzo rwegamba renyika. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti VaMugabe vati kudii nechikumbiro ichi. Asi pepanhau repa internet reNew Zimbabwe rinoti VaMugabe varamba chikumbiro ichi. Izvi zvatsinhirwawo nenhengo yeMDC inotungamirwa naVaMutambara, VaPaul Themba Nyathi, avo vati ichokwadi kuti VaMugabe varamba.

VaSibanda vange vave nemakore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa.

VaSibanda vakashanda kwenguva yakareba muZCTU, umo vakazosarudzwa kuva mutungamiri wesangano ravashandi kusvikira vabuda muZCTU, voumba MDC pamwe nemunyori mukuru weZCTU, VaMorgan Tsvangirai, muna 1999.

VaTsvangirai vakaitwa mutungamiri webato iri, VaSibanda vakaitwa mutevedzeri waVaTsvangira. Vaviri ava vakashanda zvakanaka chose kudzamara pakapatsanurwa bato iri muna 2005.

VaSibanda vanonzi vasiya vana vatanhatu uye hurongwa hwekuvigwa kwavo hausati hwaziviswa. Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, aArthur Mutambara, vanoti VaSibanda munhu akashandira nyika, nokudaro vanofanirwa kuremekedzwa segamba.

Mumwe wevanhu vakashanda kwenguva yakareba naVaSibanda kuZCTU nemuMDC, Amai Lucia Matibenga, vanoti nyika yarasikirwa negamba uye VaSibanda munhu ainzwisisa zvikuru.

Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vatiwo VaSibanda vaive munhu ainge ari chengawose vaisatarisa kuti munhu ndewe bato ripi.

XS
SM
MD
LG