Accessibility links

Breaking News

VaGari vemuManicaland Vanoti Vanoda Chouviri paZvicherwa Zviri muDunhu Ravo


FILE - Illegal diamonds from Zimbabwe are displayed for sale in Manica, Mozambique.
FILE - Illegal diamonds from Zimbabwe are displayed for sale in Manica, Mozambique.

Sangano reSouthern Eastern Trade Information and Negotiations Institute, SEATINI rinoti vagari vemunharaunda dzinoshandira makambani ekunze anenge asainirana zvibvumirano nehurumende zvekuita mabasa muno vanofanirwa kunge vaine chekuita pazvibvumirano izvi.

Mashoko aya abuda pamusangano waitwa nhasi maMutare apo zvabuda pachena kuti vagari vazhinji vanozosangana nematambudziko nekuda kwekuti zvibvumirano zvinenge zvaitwa hazvineyi nemagariro avo.

Nyanzvi munyaya dzezvekuongorora mafambiro emabasa musangano reSEATINI VaAdmire Mutizwa vati ichokwadi kuti vagary havana chouviri chavari kuwana kubva kuzviwanikwa munharaudza mune zvicherwa vachipa muenzaniso mangoda ari maMarange ayo vagary vanoti haapna pundutso yaaunza munharaunda mavo.

“Saka zvatiri kuita kunouku ndezvekuti tiri kukurudzira kuti vagari vaparticipate maringe nekutsvagwa kuri kuita makambani ekunze, takaona pahurumende yedu itsva kuti iri kuti Zimbabwe is Open for Business zvinoreveyi kumunhu, an ordinary person, sekwaChiadzwa pane makambani akamina madiamond mari ichibuda asi hapana chavakawana saka tiri kuti zvinorevei kwavari kana zvichinzi Zimbabwe is open for business.”

VaMutizwa vanoti kurudziro yavari kuita kumatunhu ose munyika ndeyekuti inzwi revagari rinzwikwewo panyaya dzebudiriro.

“Chechipiri tiri kuda kukurudzira voice revagari vemunzvimbo maeerano nedevelopment, transparence and accountability, macitizens vakaita participate pakutsvagwa kwemari tinovimba kuti macitizens edu anowana zvinovabatsira munzvimbo dzavanenge vari pamusoro pemabasa anenge oitwa nemakani ekunze aya.”

Muzvare Mildred Muzanechita mugari wemaMutare uye ange ari pamusangano wanhasi anoti dzidziso iripo inobatsira kuvhura pfungwa kuvagari venharaunda dzakasiyana-siyana pamusoro pezvinosungirwa kuitwa kana makambani achinge apihwa basa rekuchera zvicherwa munharaunda mavo.

“Musangano uyu wabatsira pakuti tinenge tave kuziva zvatinoda basa risati raitwa sekuti venharaunda tiwanirwe pekushanda, kumacommunities sevekuPenhalonga uye Bocha, infrastructure development vanofanirwa zvakare kubatsirika nazvo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mainvestor aya kana achiuya muno muZimbabwe tinge tiine benefit ichasara nesu kana vachinge vazopedza mabasa avo mumacommunities matinogara.”

Mumwe mugari wemaMutare VaAnndy Ziyera avo vapindawo mumusangano vanoti sekutaura kwakaita mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mazuva mashoma apfuura kuti inzwi revanhu inzwi ramwari zvido zvavo zvinofanirwa kuremekedzwa zvimwechetewo nekuti pakuuya kwemabhizinesi muno vange vachipawo pfungwa dzavo.

“Vanhu ndivo nyika saka inzwi revanhu ndiro inzwi raMwari vakadaro VaMnangagwa, naizvozvo panoitwa mainvestments ese vanhu vanofanirwa kunge nechekuitawo, FDI haifanirwi kuuraya local investment uye tinotarisira kuti itobatsira local investment yacho.”

Vanotizve, “Tinoziva kuti tairima cotton muno but yakatourayiwa neizvozvo tave kuimporta cotton kana maSkipper muno anobva kuChina saka tinodawo equal treatment.”

Musangano uyu wakapindwa nevagari vanobva kunzvimbo dzinocherwa zviwanikwa dzakaita sePenhalonga, Marange uye Chimanimani.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG