Accessibility links

Breaking News

Vagari Vemumahombekombe EKariba Dam Voyambirwa Kuti Vaende Kudzvimbo Dzakakwirira Mangwana


Mukuru we Civil Protection Department, vaMadzudzo Pawadyira, vari kuyambira vagari vemumahombekombe me Kariba dam kuti vaende munzvimbo dzakakwirira sezvo magedhi eKariba dam achavhurwa mangwana kuitira kuti mvura yawandisa isakonzere mafashamu emvura zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda munyika.

Dzvimbo dziri makaderera kuMuzarabani, Beitbridge, Middle Sabi, Tsholotsho ne Gokwe varikuyambirwa kuti vaende kudzvimbo dzakakwirira kana vachinge vawona kuti mashamu emvura asvika munharaunda dzavo.

VaPawadyira vanoti pari zvino vari kuita zvidzidziso zvekuzivisa vanhu kuti voita seyi kana vatarisana nemafashamu emvura munzvimbo idzo dzingangotarisana dambudziko iri.

Mumwe mugari wekuMuzarabani, imwe yenzvimbo dzakatarisana nedambudziko remafashamu emvura, zvichitevera kunaya kuri kuita mvura yakawanda munyika, va Joel Magariri, vanoti pari zvino dambudzo iri harisati rasvika munharaunda yavo.

VaMugariri vanoti dzvimbo dziri pedyo neMozambique ndidzo dzingangotarisana nedambudziko iri sezvo mvura yakawanda iri kunaya munyika iyi.

Pari zvino vanhu vanodarika makumi mana vafa kuMozambique, uye vatanhatu ku South Africa nepamusana pemvuramupengo iyi.

XS
SM
MD
LG