Accessibility links

Breaking News

Vagari veMuChinhoyi Vofarira Kugadzirwa kweMigawagwa


Mugwagwa wemuChinhoyi
Mugwagwa wemuChinhoyi

Vagari vakawanda vemuChinhoyi vanoti vari kufara nekugadzirwa kuri kuitwa migwagwa yeguta ravo iyi yange yaipa nekuda kwekupedza nguva isina kugadziriswa.

Vazhinji vataura neStudio 7 vanoti kunyange hazvo zvinhu zvakaoma kanzuru yavo iri kuita zvinhu zvinobatika sekugadzirisa migwagwa iyo yanga yave nemakomba makomba akawanda izvo zvanga zveve kukonzera njodzi uye kuuraya motokari dzavo.

Mumwe mutyairi wemotokari inotakura veruzhinji VaMacdonald Chareya vanoti zvinofadza kuti kanzuru iri kugadzira migwagwa izvo vanoti zvave kuchengetedza motokari dzavo uye kusasimuka kwehuruva iyo inokonzera zvirwere.

Izvi zvinotsigirwa naVaLazarus Tembo avo vanoti motokari dzavo hadzichafa nekuda kwekufamba mumakomba.

VaChareya vanoti dambudziko ravepo nderekuti vamwe vatyairi vave kumhanyisa motokari sevari pamakwikwi nekudaro vanoti paiswe mahambu mumigwagwa.

Meya weguta reChinhoyi VaDyke Makombe vebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa vanoti vave kukwanisa kugadzira migwagwa nemari iri kubva kubazi rinoona nezve kugadzira kwemigwagwa munyika reZimbabwe National Road Authority kana kuti ZINARA.

VaMakombe vanoti kanzuru yavo yave kushandisa mari yeZINARA pabasa ravanenge vapihwirwa mari kwete kuishandisa zvimwe.

Asi mumwe mugari Amai Mercy Tapfumaneyi vanoti vanotenda maruva vadya chakata sezvo kanzuru ichimbotanga zvinhu asi yotadza kupedza nekuti kwavanogara kuWhite City hakusati kwagadzirwa.

Mutauriri wekanzuru VaTichaona Mlauzi vanoti nzvimbo dzisiri kugadzirwa gore rino dzichagadzirwa munaNdira gore rinouya sezvo vakapihwa mari inosvika miriyoni nechidimu neZINARA yekushandisa gore rinouya.

VaMlauzi vanoti parizvino vari kushandisa mari inosvika miriyoni kugadzira makiromita mapfumbamwe.

Zvichakadaro mune imwewo nyaya sachigaro webato reZanu PF mudunhu reMashonaland West VaZiyambi Ziyambi vakazivisa nezuro kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachatanga kutenda vanhu nekuvavhotera kwavakaita.

VaZiyambi vanoti VaMnangagwa vachatanga nekutenda vanhu vekwaZvimba neMugovera sezvo vainge vasingafungidzire kuti vanokunda mudunhu iri sezvo kuri kumusha kwevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG