Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuBulawayo Vakawanda Havana Kuteerera Kurudziro yeKuti Vafore Kuti Zvirango Zvibviswe


Vatsigiri veZanu-PF vachifora muBulawayo
Vatsigiri veZanu-PF vachifora muBulawayo

Vamwe vagari vemuBulawayo vaungana munhandare yeWhite City kucherechedza hurongwa hwekukurudzira kuti zvirango zvibviswe.

Asi vanhu vauya kugungano iri vange vari vashoma zvikuru pane vange vachitarisirwa.

Ange akamirira mutungamiri wenyika pagungano iri igurukota redunhu iri Amai Judith Ncube avo vavarenga mashoko emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Vamwe vanyarikani vange varipo vanosanganisira Amai Angeline Masuku avo vakambove gurukota reBulawayo uye vakambove gurukota rezvevakarwa hondo yerusununguko VaTshinga Dube

Amai Sipilisiwe Moyo avo vanorarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana siyana vati vafara kuti gungano iri ravaunzira mukana wekuti zvinhu zvavo zvitengwe.

Vati vanotsigira hurongwa hwekuti zvirango zvibviswe vachiti zviri kuita kuti veruzhinji vatambure.

VaFreedom Murechu vanove nhengo yeboka revechidiki muZanu PF vati vanoita zvezvicherwa vati zvirango zviri kuvatadzisa kutenga michina yekuita basa ravo kunze. Varamba nyaya yekuti zvirango zvakaiswa nekuda kwekuti vamwe vatungamiri venyika vanotyora kodzero dzevanhu.

Muzvinabhizimisi uye vari nhengo yeZanu PF VaEliphas Mashaba vati zvirango zviri kuita kuti vemabhizimisi vashaye mari yekukwereta kumabhanga vakatiwo vanopokana nemaonero ekuti zvirango izvi zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru vashoma chete.

Mutauriri webato reMDC mudunhu reBulawayo VaSwithern Chiroodza vati semaonero avo chirongwa cheAnti Sanctions Campaign hachina zvachinobatsira uye chapedza mari yange ichikwanisa kushandiswa pane zvimwe zvakakosha.

Izvi zvatsigirwawo nemutauriri webato reZAPU VaIphitule Maphosa avo vati kutadza kutonga kwebato reZanu PF ndiko kuri kukonzera matambudziko munyika kwete zvirango.

Vamwe veruzhinji muguta reBulawayo vange vachiita mabasa avo semazuva ose zvisinei kuti zuva ranhasi range ratarwa sezuva rezororo kuti vanhu vafore nekuratidzira. KuGwanda, vanhu vashoma shoma kunyanyaya vana vechikoro ndivo vakwanisa kuenda kuPelandaba Stadium kunoratidzira.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG