Accessibility links

Breaking News

VaGari vekwaMutoko Vanoti Hapana Chavari Kuwana Mukutengeswa kweMatombo Ari Munzvimbo Yavo


Vagari vekwaMutoko vanoti hapana chavari kuwana kubva pakucherwa kwematombo eblack granite kubva munzvimbo mavo uye vanooan sekuti izvi zvinokonzerwa nehutungamiriri hune huwori uye hwakaipa.

Vachitaura nhasi pamusangano wange wakarongwa neStudio 7, muzinda weAmerica muZimbabwe neMedia Centre paMutoko Centre, vagari ava kuti kubvira pakatanga kucherwa matombo aya kumakore ekuma80s zvimbo yavo haisi kusimukira.

Vatiwo zvimbo yavo iri kutoparadzwa uye migwagwa yaparara sesvo makambani anochera matombo aya asiri kugadzirisa migwagwa.

Chimwewo chinosuwisa pamusangano wanhasi ndechekuti vagari ava nekanzuru yeMutoko havasizivi huwandu nekukosha kwematombo aya sezvo pasina michina yekuera matombo aya paanobuda munzvimbo iyi.

Vaimbove kanzura mukanzuru yeMutoko, VaShame Kativhu, vati zvinosuwisa kusvika pari zvino hapana muchina kana kuti Weigh Bridge kuti kanzuru ione huwandu hwematombo anobva munzvimbo iyi.

Vatiwo vagari vemaMutoko vanofanira kubatana navo kuti zviwanikwa nezvicherwa zviri munzvimbo mavo zvinotengeswa sei pamwe nekuona kuti vawana mugove wavo.

Vati vanhu hafaniri kutarira kubatsirwa nevatungamiriri vachiti vatungamiriri vacho kusanganisira madzishe ndivo vane huwori hwatadzisa kuti nyika ibudirire.

VaKingstone Ngururu vati zvakakosha kuti vagari vabatane voenda kuhurumende kuti ivapewo nzvimbo yekuchera matombo aya kuti vasimudzire nzvimbo yavo.

Mumwe mugari ataura pamusangano wanhasi ati nhamo dzese dzakatarisana nevana veZimbabwe dzakaita sekusabatsirika nezviwanikwa munzvimbo dzavo zvinokonzerwa nehutongo hwakashata kubva mutungamiriri wenyika kusvika kumasabhuku.

VaMapango Mapango vatiwo zvakosha kusarudza vatungamiriri vanosvitsa zvi chemo zvevagari kumusoro nekuzvigadzirisa vachiti izvi hazvisi kuitika pari zvino.

Nyanzvi munyaya dzemabasa ebuduririo Muzvare Mercy Madzimure vati zviri kuitika kwaMutoko zvinosuwisa asi vati chinofadza ndechekuti vagari vavakuda kushanda pamwe mukugadzirisa matambudziko avo.

Gore rapfuura, paramende yakaita ongororo yekucherwa kweBlack Granite kuMtoko neMudzi ikakurudzira hurumende kuti ione zvaingaite kuvanhu vekwaMutoko kuti vabatsirikane kubva pazvicherwa zvinobva mudunhu mavo.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG