Accessibility links

Breaking News

Vagari veKuMasvingo Voronga Kuratidzira neNyaya yeKushaya Mvura Mudzimba


Sangano rinorwira kodzero dzevagari vemuMasvingo, re Masvingo United Residents and Rate Payers Alliance (MURRA) pamwe nesangano rekodzero dzemadzimai, reWomen’s Coalition of Zimbabwe vanyorera kanzuru yeMasvingo gwaro renyunyuto vachiipa mazuva maviri kuti igadzirise dambudziko rekushaikwa kwemvura.

Vagari ava vanoti vari kuronga kuratidzira kana kanzuru ikakundikana kugadzirisa dambudziko ravo.

Vagari vemunzvimbo dzinogara veruzhinji mudhorobha reMasvingo vave nemavhiki matatu vasina mvura mudzimba dzavo mushure mekufa kwepombi inodhonza mvura kubva mudhamu reMutirikwi.

Vachitaura ne Studio 7 nhasi vesangano re Murra pamwe neWomens’Coalition vanoti vakagumbuka zvikuru nekuti kanzuru haisi kuratidza kuita chimbi chimbi nekugadzirisa dambudziko iri. Vati vave kutyira kuti zvirwere zvakaita seCholera neTyphoid zvinogona kubata vagari.

Muzvare Eshter Chimanikire vanoona nezve kufambiswa kwemabasa muMurra vanoti vatora danho rekuda kuratidzira nekuti kanzuru iri kutyora kodzero dzevagari dzekuwana mvura nguva dzose.

Vagari vazhinji vave kutorarama nekunwa mvura yemumatsime iyo isina kuchena. Kanzuru iri kuyedza kupawo vanhu mvura nemabhauza asi haisikukwana.

Vagari vazhinji vanoti vanomukira pakati pehusiku kubata raini pa mabhauza aya ne zvibhorani zvishoma zviri munzvimbo dzavanogara.

Muzvare, Joyce Mhungu, sachigaro we Women’s Coalition, mudunhu reMasvingo, vanoti nyaya yekushaikwa kwemvura iri kunyanya kubata madzimai ndosaka vanyorera kanzuru tsamba uye nekubatana nemamwe masangano kuti vazoratidzira kana Kanzuru isina kugadzirisa dambudziko iri muma awa makumi mana nemasere.

Asi Meya weMasvingo VaCollen Maboke vanoti yakagadzirisa dambudziko iri vachiti mvura yatotanga kuwanikwa kune dzimwe nzvimbo mudhorobha.

Asi vagari vazhinji vanopikisa Meya vachiti munzvimbo dzavo mvura haisati yave kubuda kunyanya vekuRunyararo West, vachiri kungomirira mabhauza nekuenda ku zvibhorani.

VaHardlife Tangai nde mumwe mugari ati zviri kutaurwa na Meya hazvisi zvechokwadi.

Dhorobha reMasvingo rave kugara richisangana nedambudziko remvura sezvo mishina inopomba mvura ichigara ichingofa. Muna Nyamavhuvhu vagari vakaita mwedzi wose vasina mvura nekusashanda zvakanaka kwemichina iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG