Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuKariba Vofa neNyota Makumbo Ari Mumvura


Vamwe vagari vekuKariba vanoti vave kufa nenyota makumbo ari mumvura zvichitevera kushaikwa kwemvura yakachena muguta iri iro riri kumahombekombe kwedhamu guru reKariba.

Vagari vemumusha weNyamhunga vakaita saMuzvare Cleopatra Rusere vanoti havana kumbosangana nedambudziko rakadai mumakore akawanda zvekuti vari kutoshamisika kuti chii chave kuitika. Vanoti kunyangwe kanzuru iri kuvapa mvura nemabhauza haisikuvakwanira.

Muzvare Rusere vanoti zvinoshamisa kuti vari kushaya mvura ivo vari kumahombekombe kwayo.

Amai Mavis Makombe vanoti vave kumanikdzwa kunochera mvura isina kuchena kudhamu.

Mwana wechikoro uyo asingabvumirwe kuti tiburitse zita rake pamhepo anoti vana vechikoro vave kumanikidzwa kutakura mvura yekunwa muzvigubhu.

Meya weguta reKariba VaGeorge Masendu vanobvuma kuti guta ravo raita dambudziko remvura vachiti riri kukonzerwa nemvura yadzikira mudhamu.

Meya Masendu avo vanoti havasati vapihwa mari nehurumende iyo yakapihwa mamwe makanzura kuti vape vagari mvura yakachena nekutakurwa kwemabhini vanoti panofanirwa kuwedzera mapombi emvura sezvo vagari vawandisa kudarika nguva yakare.

Kushaikwa kwemvura kuKariba kunouya apo nyika yatarisana nekupisa kwezuva munzvimbo dzakawanda dzenyika vanhu vachikurudzirwa kuti vanwe mvura yakawanda kuti vasarasikirwe nehupenyu.

Mune imwewo nyaya, zvinonzi paita ropa rakaipa pakati penhengo dzeZanu PF mudunhu reMashonaland West zvichitevera kushoropodzwa kunonzi kwakaitwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemwana weimwe nhengo yeZanu PF yekuHurungwe, VaRueben Marumahoko.

Mwana waVaMarumahoko, Simbarashe ari kupomerwa mhosva yekutuka VaMnangagwa achiti vari kuuraya bato reZanu PF nenyaya yehuori. Hatina kukwanisa kubata Simbarashe kuti tinzwe divi rake.

Mutevedzeri wasachigaro webato iri mudunhu reMashonaland West, VaDexter Nduna vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi yakazeyiwa pamusangano webato iri paChinhoyi Training Centre nemusi weSvondo asi hapana zvavakaita sezvo iri nyaya inofanirwa kunomhan'arwa kumapurisa.

VaNduna vanoti sasachigaro webazi rinoranga vose vanenge vakanganisa mudunhu vanozeya nyaya dzavanenge vasumwa zviri pamutemo.

Asi baba VaSimbarashe, VaMarumahoko vanoti havadi kubvunzwa nezvenyaya iyi.

Pamusangano uyu pakabuda nyaya yekuti VaMnangagwa vari kushoropodzwa zvikuru nenhengo dzebato ravo pamadandemutande asi pasina matanho akasimba ari kutorwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG