Accessibility links

Breaking News

VaGabriel Shumba Vokurudzira Kuti Vanhu Vanyorese Chishanu Chisati Chapfuura


Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara muSouth Africa zvisiri pamutemo zvasarirwa nezuva rimwe chete kuti zviforere magwaro ekuti zvikwanise kugara munyika iyi zviri pamutemo.

Hurumende yeSouth Africa yakaramba chikumbiro chakanga chaiswa nemasangano ari kumirira zvizvarwa zveZimbabwe muSouth Africa chekuti iwedzere mazuva ekuti vanhu vakwanise kuforera magwaro aya kubva pamusi wa31 Zvita gore rino, kuenda mberi.

Asi gurukota rezvemukati meSouth Africa, Amai Nkosazana Zuma, vakati hurumende yavo haisi kuzowedzera nguva yayakatara.

South Africa iri kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zvisati zvawana mapasipoti kuti zvimhanye kunoforera magwaro aya nguva isati yapera, zvozodzokera zvazvo kunoforera mapasipoti.

Asi ruzhinji rwevanhu rwunofunga kuti hurumende yeZimbabwe haina zvikuru zvairi kuita mukubatsira kuona kuti hurongwa uhu hwafamba zvakanaka.

Mutungamiri weZimbabwe Exiles Forum, sangano riri kubatsira zvikuru kuti vana veZimbabwe vagadzirise magwaro avo, VaGabriel Shumba, vanoti vose vasati vanyoresa vanofanirwa kuita izvi Chishanu chisati chapfuura.

XS
SM
MD
LG