Accessibility links

Breaking News

VaElton Mangoma Vanosungwa neMapurisa Vachipomerwa Mhosva yeHuori


VaElton Mangoma
VaElton Mangoma

Vaimbova mutungamiri webato rinopikisa reCoalition of Democrats kana kuti Code uye vaimbova gurukota rezvemhando dzemoto munguva yehurumende yemubatanaidzwa VaElton Mangoma vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare ramejastiriti nemusi weChipiri vachipomerwa mhosva yehuori apo vaive gurukota.

Panguva yehurumende yemubatanidzwa VaMangoma vaive nhengo yebato rinopikisa reMDC. Mhosva iyi inonzi yakaparwa muna 2011.

Gweta raVaMangoma VaTonderai Bhatasara vaudza Studio 7 kuti ndivo vakaenda navo kumahofisi eZimbabwe Anti-Corruption Commission neMuvhuro manheru vachibva vakandwa mutirongo kuMalbereign Police Station.

VaMangoma vainge vadaidzwa kumahofisi aya nemusi weChishanu. Vari kunzi vainge vaita zvehuori mukupa basa imwe kambani yekuSouth Korea kuti ishande neZESA.

Asi VaMangoma vari kuramba mhosva iyi vachiti zvose zvavakaita zvaiva pamutemo.

Hurukuro naVaTondera Bhatasara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG