Accessibility links

Breaking News

VaChiyangwa Voumba Komiti yeKuongorora Huori Hunonzi Hwakaitwa naVaMandiwanzira muAAG


Vakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano reAffirmative Action Group vaPhillip Chiyangwa vanoti vaumba komiti ichaongorora vakasiya basa rekutungamira sangano iri VaSupa Mandiwanzira nevamwe vavo.

VaMandiwanzi nevamwe vemukomiti yavo vakasiya basa neSvondo mushure mekunge mamwe matunhu ari muAAG ati vakaita zvehuori. Asi VaMandiwanzira nevamwe vavo ava vanoti pane vanhu vari kuita makaro ekuda kutungamira ndokusaka vakasiya basa.

Vane rurizvo nezviri kuitika vanoti kunetsana kuri muZanu-PF ndiko kwave kukanganisawo zvinhu musangano reAAG. Zvinonzi vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weAAG, VaTendai Savanhu vanova nhengo yePolitiburo yeZanu-PF naVaObert Mpofu gurukota rezvemigodhi varizve nhengo yePolitburo yeZanu-PF ndivo vapa kuti muAAG muite bopoto.

Zvinonzi VaSavanhu vaida kushandisa VaMandiwanzira nevamwe vavo kuti varwise VaMpofu mukenetsana kwevaviri ava panyaya yekuendesa hupfumi kuvatema nezvimwe zvematongerwo enyika. Asi vamwe vanotiwo uku kwave kungotaura kwavana Mandiwanzira nevamwe vavo sezvo vari kupomerwa mhosva yekusafambisa mari zvakanaka.

VaChiyangwa vaudza Studio 7 kuti panopera ongororo yavo ndipo pavachazoona kuti ichokwadi here kana kuti kwete kuti pane huori hwakaitika.

Asi VaMandiwanzira vanoti hapana kana kobiri rakabiwa nekuti AAG haina kana nemari zvayo parizvino.

XS
SM
MD
LG