Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vorambidza Mudzimai Wavo Kupinda Mumba neKuona Vana


Retired general Constantino Chiwenga

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vari kupomerwa mhosva yekuzvidza mutongo wedare mushure mekushandisa mauto kudzivirira mudzimai wavo wavari kunetsana naye, Muzvare Marry Mubaiwa, kupinda mumba yavo yekuBorrowdale Brooke sezvakataurwa nedare apo vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mudzimai waVaChiwenga ari kupomerwa mhosva yekuda kuvaponda uye kuburitsa mari munyika zvisiri pamutemo.

Ari kuramba nyaya iyi.

VaKen Mubayiwa, baba vaMuzvare Mubayiwa, vaudza Studio7 kuti ichokwadi kuti havana kubvumidzwa kudzokera kumba asi vati tizotaura navo zvizere neChishanu.

Asi rimwe gweta raMuzvare Mubaiwa, VaTaona Nyamakura, vanoti vari kuronga kukwidza VaChiwenga kumatare kana vakaramba vakatsika madziro.

Vamwe vemhuri vanonzi vari kuti pamboitwa nhaurirano nyaya iyi isati yakwidzwa kumatare zvekare.

Hatina kukwanisa kubata VaChiwenga sezvo munhu adaira nharembozha yatinomboshandisa kuvabat, ati haachashande kuhofisi kwavo.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru weHuman Rights kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti vatungamiri venyika vanofanira kuremekedza mitemo yenyika.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG