Accessibility links

VaChinamasa Votsigira Hurumende yeSyria

  • Blessing Zulu

Gurukota rinoona nezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti Zimbabwe inotsigira hurumende yeSyria inotungamirwa naVaBashar Assad iyo yave nemwedzi gumi nemumwe ichiponda zvizvarwa zvenyika iyi zvisiri kufara nematongero emutungamiri wenyika yavo.

VaChinamasa vakataura mashoko aya kuSwiterland neChishanu vachitsigirana neRussia, Cuba neChina idzo dzaisada kuti Syria ishorwe nemabasa ayo ekupfura zviuru nezviuru zvevanhu vari kuratidzira munyika iyi.

Asi chisungo chekushoropodza Syria chakazotambirwa sezvo nyika makumi matatu nesere dzakati hadzisi kufara nemabasa aVaAssad.

VaChinamasa vakatiwo Zimbabwe iri kuyedza kugadzirisa nyaya dzekodzero dzevanhu. Asi vakati izvi zviri kukanganiswa nenyaya yezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muZanu-PF vachiti zviri kukanganisa budiriro.

VaChinamasa vakashorawo dare reInternational Criminal Court vachiti harina nematuro ose sezvo richishandiswa mukuvhiringidza vatungamiri vemuAfrica chete.

Vakashorawo nyaya yehungochani vachiti Zimbabwe haife yakaitendera kunyange ikanyimwa rubatsiro nevekunze.

Chipangamazano musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaDewa Mavhinga, vanoti VaChinamasa vari kurasika pakutsigira zviri kuitwa nehurumende yeSyria.

XS
SM
MD
LG