Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa, Vanoti Hurumende Ichasaina Mutemo Unochengetedza Vanhu Kuti Vasashungurudzwa


VaChinamasa vanoti vari kukurudzira dare remakurukota kuti rivape masimba ekuti Zimbabwe itambire mutemo we United Nations Convention Against Torture and other Cruel, Inhuman or Degrading Treatment or Punishment, uyo wakatanga kuvapo mugore ra 1987.

Gurukota rezvemitemo, va Patrick Chinamasa, vanoti hurumende iri kuda kusaina mutemo wenyika dzepasi rose unochengetedza vanhu kuti vasashungurudzwa nenzira dzakasiyana siyana, we United Nations Convention Against Torture and other Cruel, Inhuman or Degrading Treatment or Punishment.

Zimbabwe yava nemakore akawanda isina tambira mutemo uyu.

VaChinamasa vanoti vari kukurudzira dare remakurukota kuti rivape masimba ekuti Zimbabwe itambire mutemo uyu, uyo wakatanga kuvapo mugore ra 1987.

VaChinamasa vanoti kana mutemo uyu wavapo, uchabatsira kuti nyika itonge vanhu vanorwadzisa vamwe nenzira dzakasiyana siyana.

Masangano akazvimirira ega ava nemakore achikurudzira Zimbabwe kuti itambire mutemo uyu vachiti hurumende yaitya kuita izvi nekuti ndiyo mumbunyikidza mukuru.

Va Dewa Mavhinga vanorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda sachipangamazano we Crisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kwe Africa vanoti chinhu chakanaka kuti hurumende isaine mutemo uyu asi vanoti vanopokana nenguva irikuda kuitwa zvinhu zvacho.

XS
SM
MD
LG