Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Vanoti Hurumende Haisi Kuzovandudza Mitemo yePOSA ne AIPPA


Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vanoti hurumende haina tarisiro yekuvandudza mitemo yePublic Order and Security Act, POSA, pamwe neAccess to Information and Protection of Privacy Act, AIPPA, sezvo iri kugutsikana nemitemo iyi.

Vachisvitsa gwaro rehurumende kumusangano weUnited Nations Working Group uri kutarisa nyaya dzekodzero dzevanhu uri kuitirwa muGeneva, kuSwitzerland neMuvhuro, VaChinamasa vakati kuvepo kwemitemo miviri iyi kwakabva mukubvunzurudza kwakadzama kwavakaita muZimbabwe pamwe nekunyika dzakaita seUnited Kingdom, Australia neUnited States.

Vakati havawirirane nemaonero ekuti mitemo iyi inombunyikidza kodzero dzevanhu. Vakatiwo mitemo yakadai iri munyika dzakawanda asi havasati vambonzwa dzichishoropodzwa nyika dzacho.

Asi mukokeri wenhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai muparamende, VaInnocent Gonese, vanoti chiri kukanganwikwa naVaChinamasa ndechekuti Zanu PF haisi yoga muhurumende yemubatanidzwa, nokudaro havafanirwe kutaura sevakamirira hurumende, asi kuti pfungwa dzavari kupa ndedzebato ravo.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vanowirirana nemashoko aVaGonese ekuti Zanu PF haisi yoga muhurumende yemubatanidzwa, vachiti bato ravo richaongorora mashoko aVaChinamasa aya.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, avo vari kupindawo musangano wekuGeneva uyu, vanoti semasangano akazvimirira, vatosvitsawo gwaro ravo kuUnited Nations rinoratidza mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzekodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG