Accessibility links

Breaking News

VaChikane Vanobvumidza Kutengeswa kweMangoda KP Isingazive


Sangano reKimberley Process, KP, rinoti kutengeswa kwakaitwa mangoda ekwaMarange mazuva mashoma apfuura kwakaitwa zviri kunze kwemitemo yesangano iri.

Mashoko eKP anouya mushure mekunge nhumwa yesangano iri, Va Abbey Chikane, vapa mvumo yekuti mangoda emuZimbabwe atengeswe

KP inoti hapana mangoda ekwaMarange anofanirwa kutengeswa kudzamara pabuda chisungo musangano iri chekuti mangoda aya atengeswe. KP iri kuyambira vanotenga mangoda ekwaMarange kuti vasatenge mangoda aya kudzamara mutauro uripo wagadziriswa.

Izvi zvinoreva kuti VaChikane vakapa makambani e Mbada Holdings ne Canadile mvumo yekutengesa mangoda avari kuchera kwaMarange zviri kunze kwe KP.

Izvi hazvina kufadza masangano akazvimirira uye ari nhengo dzeKP. Rimwe remasangano aya, Global Witness ratiwo makambani anoita zvemangoda pasi rose anofanira kuramba kutenga zvinhu zvichagadzirwa nemangoda ekwa Marange nekuti akatengeswa zvisiri pamirawo yeKP.

Hatina kukwanisa kubata Va Chikane parunhare rwavo kuti tinzwe divi ravo.

Asi mutevedzeri wegurukota rinoona nezvemighodhi, Va Gift Chaminikire, vanoti havawoni chakakanganiswa naVa Chikane nekuti ndivo vakasarudzwa naiyo KP kuita nhumwa yesangano iri mu Zimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vachishanda ne Crisis in Zimbabwe Coalition, Va Dewa Mavhinga, vanoti zvakaitwa naVaChikane hazvisi pamutemo.

XS
SM
MD
LG