Accessibility links

Breaking News

VaChihuri Vorumbidza VaMugabe Vachiti Vakatumwa naMwari


Mukuru wemapurisa, Commissioner-General Augustine Chihuri, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri akabva kuna Mwari, uye mutungamiri anoziva kuti vanhu vose vakasikwa zvakaenzana.

Vachitaura neSvondo kuvadzidzi vave kupedza zvidzidzo zvavo zvechipurisa kuMorris Depot muHarare, VaChihuri vakati VaMugabe munhu akaramba akamira pachokwadi mukudzivirira hupfumi hwenyika, kwete kuita sechimbwasungata sezviri kuratidzwa nevamwe vatungamiri vavasina kudoma nemazita.

Vakatiwo vanhu vanofanirwa kutsvaka ruoko rwaMwari kuitira kuti vaponeswe.

Mashoko aVaChihuri aya anouya panguva iyo bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai riri kuti VaChihuri pamwe nemukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, vanofanirwa kusiya basa sarudzo dzisati dzaitwa kuitira kuti munyika muve nesarudzo dzakachena, uye dzine runyararo.

MDC inoti vaviri ava vakarerekera kubato reZanu PF izvo zvinopa kuti vabatsire bato iri mukubiridzira sarudzo.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti zvakaratidzwa naVaChihuri ndizvo zviri kuita kuti bato ravo rikurudzire kuti vasiye basa, sezvo zvichitarisirwa kubva kumunhu ari kutsvagira rutsigiro mutungamiri webato raanotsigira.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanotiwo havawirirane nemaonero aVaChihuri ekuti VaMugabe mutungamiri akapiwa kunyika naMwari, sezvo vanhu vari kugaro shungurudzwa nehutongi hwaVaMugabe.

XS
SM
MD
LG