Accessibility links

Breaking News

VaChihuri Vokandirana Makobvu neMatete naVaBiti


Bato reMDC rinotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, MDC-T, neChitatu rakazivisa kuti rafuratidzwa moyo nemukuru wemapurisa, Police Commissioner General VaAugustine Chihuri, avo rinoti vanofanirwa kuchienda pamudyandigere.

MDC-T inoti chakapa kuti itore danho iri itsamba yakanyorwa naVaChihuri vachipindura tsamba yainge yanyorwa nemunyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, vachiti VaChihuri vaite basa ravo nemazvo.

VaBiti vakaudza VaChiuhuri havana kufara nemashoko avakaudza vanhu vakange vachangopinda chipurisa. Vakavaudzawo kuti VaChihuri vasaone bato ravo semhandu.

VaBiti vakatiwo bato ravo riri kunetsekana nenyaya yekuti kubva muna 2008, VaChihuri havana kunge vaferefeta mhosva dzevatsigiri veMDC-T vakapondwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Mutsamba yavo kuMDC-T, VaChihuri vakati hapana chakaipa kuti vachangopinzwa basa muchipurisa vaudzwe nezvenhoroondo yenyika uye kuti zvimbwasungata zvinogona kudzoka kuzopamba zvakare nyika.

VaChihuri vakatobuda pachena kuti vanotsigira bato reZanu-PF. MD-TC inoti mapurisa ave kusunga vanhu achitarisa kuti wabuda mumba maani.

Mukokeri weZanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanoti VaChihuri havana chavakatadza.

Ukuwo mukokeri weMDC-T mudare reseneti, VaObert Gutu, vanoti VaChihuri vari kurerekera divi rimwe chete, izvo zviri kupa kuti vatadze kuita basa ravo nemazvo.

XS
SM
MD
LG