Accessibility links

Breaking News

VaCharamba Vokonzera Kugeda Geda KweMeno neMashoko Avo paNyaya yeKuratidzira


VaGeorge Charamba
VaGeorge Charamba

Mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vakonzera mutauro wakanyanya pasi rose nemashoko avanonzi vakataura kubepanhau reSunday Mail vari ku Azerbaijan uko vari kushanya nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

VaCharamba vanoti zviri kuitika munyika umo muri kupomerwa mauto nemapurisa mhosva yekupfura vanhu gumi nevaviri, kukuvadza mazana nemazana uye kusunga vanhu vanodarika mazana manomwe inzwisa chete. VaCharamba vanoti mhirizhonga iri kukonzera nebato reMDC nemapato akazvimirira.

Mapepa nhau emunyika dzakawanda aratidza kukatyamadzwa zvikuru nemashoko aya.

Asi masangano akaita seUnited Nations, nyika dzakaita seAmerica, Britain nesangano reEuropean Union ari kushora zvikuru nyaya yekushandisa mauto mukushungurudza vanhu iri kuitwa neZimbabwe.

Sangano ravanasorojena rinozivikanwa nekuti The Elder’s rashorawo zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe zvekushungurudza vanhu uye kudzima masaisai einternet. Hatina kukwanisa kubata VaCharamba kuti tinzwe zvizere nezvemashoko avo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa. Vakawanda vanoti munyika maberekera ingwe.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti zvinhu zvave kuita zviri nani avo vakurudzira vanhu kuti vasaite mhirizhonga.

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG