Accessibility links

VaCharamba Vanoti Zimbabwe Ichateerera Kurudziro yeSADC

  • Blessing Zulu

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, avo vanotaura vakamirira mutungamiri wenyika varizve mutungamiri weZanu-PF, VaRobert Mugabe, vadududza neChipiri panyaya yekukandirana makobvu nematete pakati pevakuru muhurumende vari kudivi reZanu-PF nehurumende yeSouth Africa ichitungamirwa naVaJacob Zuma.

Kutukana uku kwakatanga kubva zvakataura SADC Troika mashoko ekuti haisi kufara nemabasa aVaMugabe muhurumende yemubatanidzwa pamusangano wakaitwa kuZambia svondo rapera.

SADC Troika yakashora zvikuru nyaya yemhirizhonga uye kusungwa kwevanopikisa VaMugabe, pamwe nekusatevedzwa kwechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Izvi zvinonzi hazvina kutambirwa zvakanaka naVaMugabe vakabva vataura pachena kuti SADCyainge yoda kupindira mumatongerwo eZimbabwe. VaMugabe vakati havasi kuzozvitambira.

Mapepanhau ehurumende anoti reHerald neSunday Mail akabva atangawo kutuka VaZuma izvo zvisina kugamuchirwa zvakanaka nehurumende yeSouth Africa iyo yakati haisi kuzodududza panyaya yezvisungo zveSADC zvekuti nyika itongwe zvakanaka.

Asi mumashoko avo kuvatori venhau abuda muHerald neChitatu, VaCharamba vanoti mapepanhau aya handiwo anotaura akamirira hurumende. Vatiwo hurumende inoremekedza zvakataurwa neSADC.

NeChitatu hurukuro dzekuzadzikisa zvakabuda kuSADC dzange dzichienderera mberi muHarare.

Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ange akamirirwa munhaurirano idzi. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vari munhaurirano vari kutaura nezvegwara resarudzo uye kupenengura GPA kuti zvii zvaaita kusvika pari zvino.

NeChina vari kutarisirwa kupa nhumwa dzaVaZuma zvavanenge vabuda nazvo muhurukuro idzi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, avo vanosanganda nesangano reAfrica Reform Institute, vanoti Zanu-PF yange yopinda nemwenje mudziva pakutukana neSouth Africa.

XS
SM
MD
LG