Mazita emakomishina achange ari mumakomisheni anoti yekodzero dzevanhu, yezvesarudzo, pamwe neyekufambiswa kwemashoko, akaziviswa neMuvhuro manheru nemunyori wedare remakurukota, VaMisheck Sibanda.
Vimbove mutori wenhau weZimbabwe Broadcasting Corporation, VaGodfrey Majonga, ndivo sachigaro wekomisheni yezvekufambiswa kwemashoko, uye mutevedzeri wavo, ndiMuzvare Nqobile Nyathi. Vamwe vari mukomisheni iyi, mutori wenhau, Amai Miriam Madziwa-Sibanda, vaimbova mutungamiri weZimbabwe Union of Journalists, VaMathew Takaona, VaChris Mhike, vaimbove mumiriri weZimbabwe kuChina, VaChris Mutsvangwa, VaLawton Hikwa, vaimbove mukuru we ZBC, VaHenry Muradzikwa, pamwe nemushandi wekubhanga guru renyika, Dr Millicent Mombeshora.
Masachigaro ekomisheni yezvesarudzo pamwe neyezvekodzero dzevanhu, havasati vasarudzwa, sezvo zviri kunzi vatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa havasati vawirirana.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti havapokani nevamwe vakadomwa kunge vari mumakomisheni aya, vakati asi pane vamwe vasingazivikanwi kuti vane ruzivo here nezvemabasa avanotarisirwa kuzoita.
Zuva richagadzwa makomishina aya harisati raziviswa.