Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votadza Kupa Humbowo Kukomisheni yaVaMothlante, VaKunaka Vachityora Vanhu Mbabvu neKuseka


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa nemusi weChitatu havana kuenda kunopa humbowo kukomisheni yakadomwa nemutungamiri wenyika kuti iongorore mhirizhonga yakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu iyo yakasiya vanhu vatanhatu vafa.

VaChamisa havana kupa hombowo hwavo kukomisheni iyi kunyange hazvo humwe hutungamiri hwebato ravo hwakange hwauya nehuwandu hwahwo.

Mutauriri wekomisheni iri kutungamirwa naVaKgalema Motlanthe, VaJohn Masuku, vaudza Studio 7 kuti vachiri kutarisira VaChamisa kuti vazomira pamberi pekomisheni yavo.

VaChamisa vakatuma gweta ravo VaTabani Mpofu nemashoko kukomisheni yaVaMotlanthe iyi izvo zvatsinhirwa naVaMasuku.

Mumwe wevatevedzeri vaVaChamisa, VaMorgen Komichi, vakati VaChamisa vakazvipira kuti vape humbowo kukomisheni iyi asi vakamirira mhinduro panyaya yekutimutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga vachazomiswawo pamberi pekomisheni iyi here.

Vamwe vakapa humbowo kukomisheni iyi ndiVaPaddington Japajapa avo vaiva muongororo wesarudzo kana kuti election observer. VaJapajapa vakaudza komisheni iyi kuti vakaona vanhu vaviri vachipfurwa nemasoja vakafa musi wa 1 Nyamavhuvhu uye vakawanda vakakuvara mushure mekupfurwa kwavakaitwa nemauto.

Vakaenderera mberi vachiti masoja aisafanira kupinda mumigwagwa sezvo kuratidzira kwaiitwa musi uyu kwaikwanisa kupedzwa nemapurisa mashomanana.

Mumwe apa humbowo kukomisheni iyi ndiVaJim Kunaka avo vanove nhengo yebato reNational Patriotic Front.

VaKunaka, avo vaimbove sachigaro wevechidiki mupurovhinzi yeHarare muZanu PF vakaramba kupindura mibvunzo yeimwe nhengo yekomisheni iyi, Muzvinafundo Charity Manyeruke vachiti vakamboshanda navo muZanu PF vachironga nyaya dzemhirizhonga vachishanda pamwechete nvari muchiuto.

VaKunaka vakatiwo mhirizhonga yemusi wa 1 Nyamavhuvhu yakakonzerwa nevechidiki veZanu PF avo vaida kuti zvinzi MDC ndiyo yakakonzera mhirizhonga iyi. Vatiwo Amai Manyeruke vaive nhengo yeG40 vazopanduka nekukara mari.

Vaenderera mberi vachiti zvinhu zvinozivikanwa kuti masoja ndiwo akauraya vanhu muna Nyamavhuvhu nokudaro hazvifanire kunetsa kuti masoja ari pamavhidhiyo achiridza pfuti ashevedzwe kuti azopa humbowo.

Zvinonzi pakafa vanhu vatanhatu pamhirizhonga musi uyu asi masangano anoshanda akazvimirira anoti vanhu vakapfurwa vakafa vanodarika gumi sezvo vamwe vevanhu ava vakafira munzira vachienda kuzvipatara.

Sangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Doctors for Human Rights rinoti panevanhu vazhinji vasina kumhan’ara zvakaitika kwavari sezvo richiti vanhu ava vaityirawo kuzoshungurudzwa nemapurisa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG