Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voshora Kusungwa kwaVaSikhala, VaMafume naVaChin'ono Vachiti Hurumende Iri Kuvasvokosva


Mnangagwa & Chamisa
Mnangagwa & Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vari kushora zvikuru hurumende nekusunga mutevedzeri wasachigaro webato iri VaJob Sikhala, meya weguta reHarare akamiswa basa VaJacob Mafume uye mutori wenhau VaHopewell Chin’ono nevamwe vachiti izvi hazvifanire kuitwa apo vanhu vari kuyedza kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

VaChamisa vanoti zvekusunga vanopikisa inzira yekuda kuvasvokosva uye kuda kuti vakandwe mumajeri umo musina kumira zvakanaka parizvino nenyaya yechirwere cheCovid-19.

Asi vati vacharamba vakamira semusambangwena kusvika nyika yave nehutongo hwejekerere vachiita izvi murunyararo.

VaSikhala avo vari mutirongo kuHarare Central Police Station pamwe naChin’ono vari kupomerwa mhosva yekugovera vamwe vhidhiyo yaiti mumwe mupurisa ainge arova mumwe mwana akafa muHarare amai vake vachinzi vainge vatyora mutemo wekuti vanhu vagare mudzimba.

Mapurisa anoti mwana uyu haana kufa kunyangwe hake akarohwa nemagirazi ewindscreen yekombi payakarohwa nemboma yemupurisa uyu.

Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vanoti tsika yekuputsa mawindscreen inofanira kumiswa vachikurudzira vanhu kuti vagare mudzimba.

VaMafume vanonzi vari kurwara vari mujeri umo muri kunzi mune vanhu vakawandisa.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG