Vachitaura pamhemberero yebato ravo yekusvita makore makumi maviri nerimwe muHarare neMugovera, mutungamiri webato reMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti bato ravo riri kuronga kuratidzira nyika yose vachiti munyika maberekera ingwe.
Vanoti nhengo dzebato ravo dziri kupondwa, kusungwa nekuchishungurudzwa nehurumende. Mutevedzeri wemutungamiri webato iri VaTendai Biti vakatiwo ikodzero iri mubumbiro remitemo kuti vanhu varatidzire.
VaChamisa vakati vachakoka munhu wose munyika kunhimbe yavo kuti aratidze kutsutsumwa kwake. Mashoko aVaChamisa anopesana zvachose neemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vakaudza musangano weUnited Nations General Assembly kuti muZimbabwe mune runyararo.
VaChamisa vakatiwo bato ravo harisi kuzomanikidzwa kuchinja zita rekuti MDC Alliance vachitiwo havasi kuzomanikidzwa kushanda neZanu-PF sezviri kuita vamwe vanopikisa.
Mashoko aya anotevera chisungo chakaitwa nemMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe kuti vari kuda kushandisa zita rekuti MDC Alliance musarudzo dzemuna zvita dzema by elections.
VaChamisa vanoti chinangwa cheZanu-PF ndechekuda kuti nyika ive nebato rimwe chete reZanu-PF pasina kana anopikisa. Hatina kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu-PF VaPatrick Chinamasa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.
Facebook Forum