Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vokurudzira ZEC Kuti Isatore Divi Musarudzo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance Vanelson Chamisa vanoti havazi kuzaramba kupinda musarudzo asi kuti vachaita kuti sarudzo munyika dzisaitwa kana gakava ravainaro neZimbabwe Electoral Commission rikasagadziriswa.

Vachitaura kuzviuru nezviuru zvevanhu pamusangano wekutsvaga rutsigiro muMkoba Stadium muGweru nemusi weSvondo, VaChamisa vakati chimwe chezvinhu chakarwirwa nevarwi vehondo yerusunungtuko inyaya yekuti veruzhinji vakwanise kuvhota zviri pachena vachisarudza vatungamiriri vavanoda.

Vatsigiri veMDC Allienace kuMkoba
Vatsigiri veMDC Allienace kuMkoba

Vakati Zimbabwe Electoral Commission inofanirwa kugadzirisa zvinyunyuto zvavainazvo zvinosanganisira kuti mapepa ekuvhotera azikanwe kuti anodhindirwa kupi vakatiwo kana ZEC ikasaita izvi vachaita kuti sarudzo dzisaitwa munyika.

Vati bato ravo rakaita ongororo yevoters roll uye richabudisa zvarakawona nemusi weMuvhuro.

VaChamisa vakati havangakwidze gakava ravo neZEC kumatare nekuti vanoziva kuti matare anogona kusaigadzirisa sezvo achimborerekera kudivi rehurumende yeZanu PF.

Mashoko aya anotevera zvakataurwa nemumwe mukuru wevaongorori vesarudzo veSADC kana kuti Sadc Election Observer Mission (SEOM) VaTete Antonio kuti kana mapato aine zvinyunyuto anofanira kuenda kumatare.

Vatiwo bato ravo rine hurongwa hwakajeka hwekuti munyika muve neshanduko kana vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika. Vakaenderera mberi vachiti vachaita kuti muzinda wehurumende neparamende zvive muguta reGweru sezvo riri iro riri pakati nepakati penyika.

VaChamisa nemumwe mutsigiri weMDC Alliance
VaChamisa nemumwe mutsigiri weMDC Alliance

VaChamisa vati hurumende yeZanu PF haingati zvinhu hazvichina kumira zvakanaka mumadhorobha emunyika nekuda kwekutadza kutungamira kwemakanzura ebato reMDC sezvo hurumende ichipindira mumashandiro emakanzuru aya.

Mutungamiri weMDC Allinace musarudzo akatiwo iye munhu anotambira kuti vatapi venhau vaita mabasa awo vasingambunyikidzwe asi vashora nhepefenyuro nemapepanhau zvehurumende nekuda kwekuburitsa avati manyepo.

Vamwe vaimbove vakuru vakuru veZanu PF Amai Eunice Sandi Moyo pamwe naVaKudakwashe Bhasikiti vange varipowo pamusangano uyu.

VaChamisa vakati vanotambira rutsigiro rwavari kuwana kubva kuvanhu vakasiyana-siyana vachiti matambudziko akatarisana nenyika ave kuda kuti vanhu vashande pamwe chete kuti kuve neshanduko.

VaBhasikiti vati pachine mukana wekuti vose vanotsigira bato reZanu PF vachinje vavhotere VaChamisa vachiti ndivo vanokwanisa kuunza budiriro munyika.

Mumwe mutsigiri weMDC ange ari pamusangano uyu uyo angozvidoma nezita rekuti Runyararo ati iye semunhu akaita zvidzidzo zvepamusoro asi asina basa anoona zvakakodzera kuti avhotere VaChamisa nekuti anofunga kuti vachakwanisa kuti munyika muve nemabasa.

VaChamisa vari kuita misangano yekutsvaga rutsigiro munzvimbo dzakasiyana-siyana pamberi pesarudzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG