Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa vanoti vachabatana nemhuri yevaive mutungamiri webato iri wekutanga VaMorgan Tsvangirai, kuvarangarira kumusha kwavo kwaHumanikwa kuBuhera.
VaChamisa vati bato ravo rinoremekedza VaTsvangirai zvikuru nebasa ravakabata mukuumba bato nekuri tungamira kubva muna 1999.
Hurongwa uhu huri kutarisirwa kuitwa musi wa4 Chivabvu svondo rinouya nemusi weMugovera.
Mutauriri wemhuri yaVaTsvangirai, VaManase Tsvangirai vanoti vakokawo munhu wose nemapatao ose munyika kusanganisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nebato riri kutonga reZanu-PF.
Izvi zviri kuuya apo VaChamisa vachangobva mukudomwa nematunhu ose gumi nematatu ebato ravo kuti varambe vari mutungamiri kwemamwe makore mashanu.
Nezuro dunhu reSouth Africa rinova rekugumisira rakasarudza VaChamisa kuti vatungamire bato zvichireva kuti hakuna achavakwikwidza kukongiresi yebato iri kutanga kuitwa musi wa 24 mwedzi unouya.
Facebook Forum