Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vobatana neMhuri yaMuchakabvu Morgan Tsvangirai Kuvarangarira


VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa vanoti vachabatana nemhuri yevaive mutungamiri webato iri wekutanga VaMorgan Tsvangirai, kuvarangarira kumusha kwavo kwaHumanikwa kuBuhera.

VaChamisa vati bato ravo rinoremekedza VaTsvangirai zvikuru nebasa ravakabata mukuumba bato nekuri tungamira kubva muna 1999.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurongwa uhu huri kutarisirwa kuitwa musi wa4 Chivabvu svondo rinouya nemusi weMugovera.

Mutauriri wemhuri yaVaTsvangirai, VaManase Tsvangirai vanoti vakokawo munhu wose nemapatao ose munyika kusanganisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nebato riri kutonga reZanu-PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zviri kuuya apo VaChamisa vachangobva mukudomwa nematunhu ose gumi nematatu ebato ravo kuti varambe vari mutungamiri kwemamwe makore mashanu.

Nezuro dunhu reSouth Africa rinova rekugumisira rakasarudza VaChamisa kuti vatungamire bato zvichireva kuti hakuna achavakwikwidza kukongiresi yebato iri kutanga kuitwa musi wa 24 mwedzi unouya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG