Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoudza Vatsigiri Vavo kuGlen View South Kuti Hapana Kudududza Pakuratidzira Nyika Yose


VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa nhasi vaita musangano kuGlen View South uko kuri kuitwa sarudzo dzeby-election mushure mekushaya kwakaita Amai Vimbayi Tsvagirai Java mutsaona yemumugwagwa.

Zviuru nezviuru zvaungana pamusangano wanhasi. Vachitaura pamusangano uyu, VaChamisa vati havasi kuzodududza panyaya yekuratidzira kunyangwe vati hurumende iri kuita zvehudusvura nekuda kumisa kuratidzira kwavo

Vaenderera mberi vachishora bato reZanu-PF vachiti riri kutyora kodzero dzevanhu uye vakati kuratidzira kuri kurambidzwa nemapurisa kuchaenderera mberi.

VaChamisa vashorawo hurumende nekwainoti kusunga Ishe Felix Ndiweni vachiti panoda kumera muswe panonyerekedza.

Vashorawo gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vachiti vakundikana kugadzira hupfumi hwenyika.

Vamwe vataura pamusangano uyu ndiVaTendai Biti vati vanhu vari kunonga svosve nemuromo munyika.

Asi vachitaura neStudio 7, gurukota rezvedzidzo Muzvinafundo Paul Mavima vanoti zvikoro hazvifanire kungokwidza mari pasina mvumo yehurumende.

Vamwe vataura pamusangano uyu ndiVaObey Sithole mutungamiri wevechidiki veMDC Youth Assembly avo vati bato ravo riri kuzoenderera mberi nekuratidzira.

Vamwe vange vari pamusangano uyu ndiVaPaddington Japajapa avo vachingamidzwa nemurongi webato iri VaAmos Chibaya.

Mutevedzeri webato iri VaJob Sikhala vataurawo pamusangano uyu vakati handi chokwadi kuti mune kunetsana sezviri kutaurwa nemapepanhau ehurumende akaita seHerald.

VaVincent Tsvangirai avo vari kumirira MDC musarudzo idzi vataurawo zvishoma pamusangano uyu.

Vamwe vari kukukwidza musarudzo idzi ndiVaOffard Muchuwe vari kumirira bato reZanu-PF avo vasina kunyatsokwanisa kutaura sezvo vange vasina izwi nekutsvaga rutsigiro.

Asi varikukwidza vakamirira bato reLead VaEdwin Million vatiwo nhasi vange vachifambawo vachitsvaga rutsigiro.

Sachigaro wesangano rinoona nezvesarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vanoti bato reZanu-PF riri kutyora mutemo wesarudzo nekushandisa bazi rehurumende re District Development Fund (DDF) kuchera zvibhorani gumi nezvishanu pamberi pesarudzo idzi.

Asi VaMuchuwe vati hurumende haingamire kuita basa nekuda kwekuti kune sarudzo.

Vari kupinda musarudzo idzi vanosanganisa VaEllah Zisani veUANC, VaMaxwell Kasema vakazvimirira, VaPhili Chamunorwa Ndengu, vakazvimirira, VaParlington Pikelele veUANC, Amai Rosemary Nyamayedenga Free Zim Congress, VaCrispen Rateiwa Zapu. Sarudzo idzi dziri kuitwa musi weMugovera Svondo rinouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG