Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti VaMnangagwa Vakundikana Kugadzira Nyaya Dzekupambwa kweVanhu muNyika


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havasi kuratidza hutungamiri panyaya iri kupomerwa mapurisa nevasori yekuva nechekuita nekupambwa kwenhengo dzevechidiki nhatu dzebato ravo vachidzokorora kuti zvave kuda kuti United Nations ipindire.

Vati vakatonyorera tsamba kuUnited Nations kuti munyika mapindwa naPongwe nekudaro inofanira kuongorora nyaya dzekupambwa kwevanhu.

VaChamisa vati VaMnangagwa vawana mikana miviri yekutaura nenyika nezuro kumarinda eHeroes Acre uye neMugovera panyaya yelockdown asi havana kana kutaura nezvekupambwa nekushungurudzwa kwenhengo yeparamende inomiririra Harare West mudare reparamende Muzvare Joanna Mamombe, nemutevedzeri wasachigaro weMDC Youth Assembly Muzvare Cecilia Chimbiri uye mutevedzeri wemurongi wemabasa musangano revechidiki iri, Muzvare Netsai Marova.

Vatatu ava vanonzi vakapambwa kuWarren Park vakazowanikwa kuBindura. Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vanoti vakakumbira mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga kuti vaongorore nyaya iyi.

Vanotiwo vanhu vanofanira kumirira ongororo iyi kwete kutaura zvisina humbowo. Hatina kukwanisa kubata mutauriri Asi VaChamisa vanoti havana chivimbo nezviri kuitwa izvi.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG