Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vakaita misangano mikuru kuBikita nemudhorobha guru reMasvingo pamberi pesarudzo dziri kuitwa mukupera kwemwedzi.
Kunyangwe hazvo kwainaya nekutonhora, vanhu vazhinji muMasvingo vakamirira kuti VaChamisa vauye kuzotaura navo.
Vachitaura pamusangano uyu, VaChamisa vakaudza vatsigiri vavo kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanagwa vave kufanira kuenda pamudyandigere.
VaChamisa avo vakamboratidza kuti vanogona kubuda musarudzo vachipomera ZEC ne Zanu PF mhosva yekusabata sarudzo zvakanaka vati VaMnangagwa ndivo vangatoramwa sarudzo nekuti havana rutsigiro.
Vakatiwo hurumende yaVaEmerson Mnangagwa yave nemwedzi minomwe ichikonewa kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika nekudaro haifaniri kupiwa mumwe mukana.
Vakashorawo hurongwa hwaVaMnangagagwa hwekuda kurwisa huori vachiti hazvishande.
VaMnangagwa vakazivisa kuti vainge vaumba komiti inenge iri muhofisi mavo mukurwisa huori. Asi VaChamisa vakati humhutu haungarapa chirwere chemalaria.
Vakatiwo vari kuda kuti makambani akavharwa muMasvingo avhurwe. Vanhu vakafarawo zvikuru apo VaChamisa vakati vachabvisa mari yebond note yavanoti haisi kupedza dambudziko rekushomeka kwemari.
Vakashorawo nyaya yemauto ari kupomerwa mhosva yekurova vanhu kumusangano weZanu-PF kuBindura. Vanhu ava vaida kubva pamusangano waVaMnangagwa vhiki rapera.
Mumwe mutsigiri waVaChamisa, Muzvare Precious Manyoka vanoti vanotsigira VaChaimisa nekuti vane hurongwa hwavari kushambadza nebato ravo hunogona kumutsa hupfumi hwenyika vanhu vowana mabasa.
Mumwewo mutsigiri weMDC Alliance, Muzvare Alika Mbewe vati vane chivimbo chekuti VaChamisa semunhu achiri wechidiki vane simba rekumhanya kudzosera nyika pakanaka.
Sarudzo dziri kuitwa musi wa30 mwedzi uno uye vaongorori vakawanda kubva kune dzimwe nyika vatove muZimbabwe.
Facebook Forum