Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Hurumende Inofanira Kukurumidza Kuudza Vanhu Zvichaitika Kana Hurongwa Hwekugara Mumba Hwapera


Opposition leader Nelson Chamisa addresses a media conference at party headquarters in Harare, Zimbabwe, Aug, 25, 2018.
Opposition leader Nelson Chamisa addresses a media conference at party headquarters in Harare, Zimbabwe, Aug, 25, 2018.

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa vanoti hurumende inofanira kuisa hurongwa hwakajeka hwekuti panopera hurongwa hwekuti vanhu vagare mudzimba kwemavhiki matatu zvii zvinenge zvichizoitwa.

VaChamisa vanoti zviri pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi uye vanhu vakawanda vari kunonga svosve nemuromo. Vati kuti chirongwa chekuti vanhu vagare mudzimba chibudirire vanhu vanofanira kubatsirwa nezvekudya sezviri kuitwa kune dzimwe nyika.

Vaenderera mberi vachiti vemabhizimisi vanofanirawo kuumbirwawo homwe yekuvabatsira nekuti vari kutatarika zvakanyanya. VaChamisa vakurudzira kuti vanhu vakawanda vavhenekwewo hutachiona hwecoronavirus senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatiwo vanhu vanofanira kuita mushandirapamwe munyika kuti varwise dambudziko rapinda mumusha iri.

Vachipindura kuti chii chichaitika panopera mazuva ekuti vanhu vagare mudzimba, mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vati mutungamiri wenyika achanzwa kubva kuchikwata chavanachipangamazano chine makurukota avo ehurumende kana kuti Taskforce.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti ratanga kuvheneka vanachiremba, vanamukoti nevamwe vashandi vemuzvipatara kuParirenyatwa Hospital kuona kuti havana here hutachiona hwechirwere checoronavirus.

Izvi zvinotevera mutongo wedare repamusoro wekuti hurumende idzivirire vanamukoti navanachiremba kuchirwere ichi. Mumwe chiremba nemumwe mukoti vakatobatwa nechirwere ichi kuBulawo.

Kusvika nezuro manheru, huwandu hwevanhu vabatwa ne coronavirus hwanga hwasvika pavanhu makumi maviri nevana muZimbabwe.

Asi pane mumwe ari kufungidzirwa kuti akabatwa nechirwere ichi kuChinhoyi zvichapa kuti huwandu uhu huwedzere. Munuhu muwe chete apona kubva muchirwere ichi kusvika parizvino muZimbabwe. Pasi rose rine vanhu vanodarika mamiriyoni maviri vabatwa nechirwere ichi, uye vanhu vafa nechirwere ichi vachipfuura zviuru zana nemakumi mana nemaviri. Nyika yanyanya kuwirwa nedambudziko iri iAmerica, iyo ine vanhu vanodarika zviuru makumi matatu vafa nechirwere ichi.

Mumashoko atumirwa kuStudio 7 neAfrican Union achibva kusangano rinoongorora nyaya dzezvirwere muAfrica, reAfrica Centres for Disease Prevention and Control anoti vanhu vafa nechirwere ichi muAfrica vasvika pamazana pfumbamwe negumi, uye vabatwa nechirwere ichi vadarika zviuru gumi nezvitanhatu.

Nyika ine vanhu vakawanda vafa kusvika pari zvino muAfrica iAlgeria, iyo ine vanhu mazana matatu nemakumi matatu nevatanhatu vashaya; ichiteverwa ne Egypt, iyo ine vanhu zana nemakumi masere nevatatu varasikirwa nehupenyu hwavo. Asi South Africa ndiyo ine vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi.

Zvichakadaro, mapurisa anoti asunga vanhu vanodarika zviuru zvinomwe nenyaya yekusateerera kurudziro yehurumende yekuti vagare mudzimba. Vanhu vakawanda vari kuti havana chekudya kunyangwe hazvo hurumende kuburikidza nebazi rezvemari yakati yaisa mamiriyoni mazana mashanu ane zvuru zvipfumbamwe parutivi kubatsira vari kushupika. Mari iyi inonzi ishoma uye iri kunonoka kuenda kuvanhu vacho.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG