Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vanoti vakagadzirira kuita nhaurano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kana chete dzichikwanisa kunyukura nyika mumadhaka mairi.
VaChamisa vaudza Studio 7 kuti vanotambira pfungwa dzehurumende yeSouth Africa dzekuti muZimbabwe muitwe nhaurirano.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa Amai Naledi Pandor vakataura pamusangano kuPretoria kuti muZimbabwe hamuchadi kungotaurwa zvekugadziriswa kwenyaya dzezvehupfumi asi zvematongerwo enyika.
Vanhu vakawanda munyika vari kuchema chema kuti vave kunonga svosve nemurmo nenyaya yekushaya zvekudya, mabasa, mari, magetsi nezvimwe.
Asi vachitaura nebepanhau reChronicle svondo rapera, mutevedzeri wemunyori wedare remakurukota vari mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vakati kana VaChamisa vachida zvenhaurirano vanofanira kuuya kuPolitical Actors Dialogue kana kuti (POLAD).
Hatina kukwanisa kubata VaCharamba kuti tinzwe divi ravo nezvemashoko aVaChamisa.
Asi imwe nhengo yePOLAD Muzvinafundo Lovemore Madhuku vati vanopindirana nepfungwa yekuti MDC yaVaChamisa ibatane navo kugungano iri.
Facebook Forum