Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vomiswa Pamberi peDare


VaTendai Biti negweta ravo Amai Beatric Mtetwa (Mufananidzo naKumbirai Mafunda weZLHR)
VaTendai Biti negweta ravo Amai Beatric Mtetwa (Mufananidzo naKumbirai Mafunda weZLHR)

Mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaTendai Biti, vatanga kutongwa nemusi weMuvhuro nemhosva yavari kupomerwa yekuzivisa zvavanoti ndizvo zvakabuda musarudzo zvinonzi zviri kunze kwemutemo vachiti maoko avo akachena.

Pavakapirwa mhosva yavari kupomerwa pakutanga kutongwa kwenyaya yavo, VaBiti vakati maoko avo akachena semukaka.

Rimwe remagweta aVaBiti, Amai Beatrice Mtetwa, vakati VaBiti havafanire kutombotongwa vachiti vakaunzwa kumatare zvisiri pamutemo nokudaro mhosva yavari kupomerwa inofanirwa kuraswa. Izvi zvakatsinhirwa nerimwe remagweta aVaBiti, VaAlec Muchadehama.

VaMuchadehama vakatiwo VaBiti vari kupomerwa mhosva imwechete kaviri vachiti zvakaitwa nehurumende izvi zvinoratidza kushungurudza VaBiti.

VaMuchadehama vakatiwo vakafara nekubvumidzwa kwakaitwa nedare kuti vatori venhau vatepfenyure zvanga zvichiitika panguva yanga ichinzwikwa nyaya yaVaBiti zvichitevera chikumbiro chavakasvitsa semagweta.

Mumwe wevatori venhau vanga vachitevera nyaya iyi mudare uye achishandira kambani yeSly Media, VaRobert Tapfumaneyi, vakati itarisiro yavo yekuti vatori venhau vabvumidze kutepfenyura kana kutora mifananidzo pose panonzwikwa nyaya dzakadai.

VaBiti vakatarisirwa kudzoka mudare mangwana apo magweta ehurumende akatarisirwa kupa mhinduro pachikumbiro chasvitswa kudare nemagweta aVaBiti chekuti nyaya yavari kupomerwa iraswe.

Pakaitwa sarudzo dzemuna Chikunguru VaBiti vanonzi vakazivisa kuti mapepa avainawo airatidza kuti mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa ndivo vakakunda musarudzo kunyange hazvo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission yakazoti VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakakunda musarudzo ye mutungamiri wenyika izvo zvakazotsinhirwawo nedare repamusorosoro munyika reConstitutional Court.

Kunyange hazvo dare reConstitutional Court rakatura mutongo waro panyaya iyi, VaChamisa vari kuramba vakatsika madziro vachiti vakabirirwa zvemhando yepamusorosoro.

Nyaya yaVaBiti iri kuteverwa nevakawanda pasi rose kusanganisa kubva kuAmerica iyo yakabuda pachena nemusi weChina kumusangano wakaitwa kudare repamusoro seSenate kuti inoona sekunga VaBiti vari kukngoshingurudzwa semunhu anopikisa hurumende. Asi hurumende yakati haiudzwe zvekuita neAmerica.

VaSupa Mandiwanzira negweta ravo VaBrian Hungwe kuruboshwe
VaSupa Mandiwanzira negweta ravo VaBrian Hungwe kuruboshwe

Zvichakadaro vaimbova gurukota rezvemhando dzemoto Doctor Samuel Undenge vanzi nedare havana mhosva yavakapara panyaya yavange vachipomerwa yekuti vakaita zvehuori pakupa basa mumwe muzvinabhizimisi VaWicknel Chivhayo kuti vagadzire gwenya remagetsi ezuva kugwanda.

Mune imwe nyaya yange iri kumatare, vaimbova gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko VaSupa Mandiwanzira vanzi vadzoke kudare nemusi wa18 Zvita sezvo vati vachuchusi vakanonoka kuvapa mapepa. VaMandiwamzira vari kupomerwawo mhosva yehuori.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG