Danho rehurumende rekuda kuvandudza zvimwe zvikamu zvebumbiro remitemo yenyika rakonzera mutauro wakanyanya munyika.
Vanopikisa vanoti vari kozorwa semvumba kuona kuti hurumende haisi kuzotanga kuisa chigamba pambumbiro remitemo yenyika.
Asi gurukota rinoona nezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti bato reZanu-PF rakasarudzwa nevanhu nekudaro rine kodzero yekuita madiro pakuvandudza bumbiro.
Hurumende yakatoburitsa bhiri iri mugwaro reGovernment Gazette musi wa 31 Zvita.
Pamutemo, bhiri iri rinofanira kuenda kudare reparamende musi wa 31 Kurume sezvo richifanira kumira mazuva makumi mapfumbamwe kubva zvaraburitswa mugwaro rehurumende.
Asi mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaTendai Biti, vanoti hurumende ikaenderera mberi kuchatsva matemo mipini ichisara.
Facebook Forum