Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Kudzika Mutemo weKutara Mitengo Kunoratidza Kuti Njuga dzeHupfumi Dzoremera VaMthuli Ncube


Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance VaTendai Biti
Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance VaTendai Biti

Mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaTendai Biti, avo vakambove gurukota rezvemari, vanoti mutemo wechimbi chimbi wakadzikwa nehurumende wekutara mitengo yezvinhu munongedzo wekuti Zimbabwe yatadza kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Mashoko aya anopesana nezviri kutaurwa negurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, avo vakaudza vanoita zvekushanyirwa kwenyika svondo rapera kuti hupfumi hwagadzikana uye mutemo uyu unobatsira kuzvisimbaradza.

Svondo rapera hurumende yakadzika mutemo wechimbi chimbi kana kuti Presidential Powers (Temporary Measures) (Financial Laws Amendment) Regulations 127 of 2021 unosungira vemabhizimisi vose kuti vatengese zvinhu nemutengo wedhora rekuAmerica wepamusika weReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, Foreign Currency Auction kwete pamukoto.

Asi mumashoko kuvatori venhau masangano anomirira vemabhizimisi akaita seZimbabwe National Chamber of Commerce, Confederation of Zimbabwe Industries neEmployers Confederation of Zimbabwe anoti mutemo uyu uri kuomesera vemabhizimisi vakawanda sezvo vasiri kukwanisa kuwana mari pamusika weRBZ uyu.

VaBiti vanoti vanowiriranawo neveZimbabwe Lawyers for Human Rights vakakwira kudare repamusoro nemusi weChina vachipikisa mutemo mutsva uyu vachiri unotyora bumbiro remutemo.

Hurukuro naVaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Ko masimba ekuti mutungamiri wenyika adzike mitemo zvechimbi chimbi pasina kuenda kudare reparamende unoshanda sei chaizvo?

Gweta VaTinomudaishe Chinyoka avo vanombomirira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, uye vakasarudzwawo nemusi weChina kuva sachigaro webhodhi rePetrotrade rinoona nezvemafuta ekufambisa dzimotokari vanoti hapana chakaipa pamutemo uyu sezvo uchishandiswawo nenyika dzakawanda dzakaita seAmerica sezvo kuenda kudare reparamende kuchigona kutora nguva.

Hurukuro naVaTinomudaishe Chinyoka
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG